Accessibility links

Breaking News

Vagari Voramba Kutorerwa Nzvimbo Yavo neKambani yeVanhu vekuChina


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.

Vagari vekuUzumba mudunhu reMashonaland East vanyora tsamba yenyunyuto pamusoro pekambani yeHeijin kumukuru anoona nezvekupiwa kwemarezinesi ezvezvicherwa pamwe nebazi rezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Agency of Zimbabwe vachiti havasi kuda kuti kambani iyi ishande munzvimbo dzavanogara.

Vagari vemubhuku rekwaKaseke vachibatsirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, vanoti vanoshamiswa kuti kambani yeHeijin yakatotanga kutara pekuisa migodhi yayo mumusha wavo vasina kana kumboziviswa.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vati VaLovemore Kaseke, avo vari kumirira vamwe vavo, vanoti vari kushamiswa zvikuru nekutarwa kuri kuitwa nzvimbo ichange iri pasi pekambani iyi.

Vanonti nzvimbo iri kutorwa nekambani iyi inosanganisira minda yavo, mafuro ezvipfuwo zvavo pamwe nedzimba dzavo.

VaMafunda vati vanyorera kumukuru anoona nezvezvicherwa kuti vawane ruzivo kuti kambani iyi yakapiwa rezinesi here, uye kuti pakatevedzwa here mitemo yenyika.

ZLHR inotiwo kunyange hazvo dai kambani iyi ikave nerezinesi, panenge pakatyorwa mitemo inosungira kuti kuti vanenge vawana marezinesi munzvimbo inogarwa neveruzhinji vanofanirwa kutanga vaita hurukuro nevagari vobvumirana.

VaMafunda vatiwo vanyorerawo kuEMA kuti vaziviswe nesangano iri kuti rakapa here kambani iyi magwaro anoratidza kuti kuita migodhi yayo munzvimbo iyi hazvina njodzi here kuvagari.

Hatina kukwanisa kubata mukuru anoona nezvekupihwa kwemarezinesi ezvezvicherwa kuMashonaland East huyewo tatadza kubata gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri weEMA, Amai Amkela Sidange, vati vanga vari kuita tsvakurudzo nezvenyayi iyi sezvo tsamba yakanyorwa nemagweta yakasvika kuhofisi yavo yeMarondera.

Asi kanzura weWard 14, VaFagio Zvondai Marowa, vakaudza Studio7 vagari vemunzvimbo yavanomirira havasi kuda kuti kambani iyi ichere matombo munzvimbo iyi.

Mabhuku ari kubatwa muhurongwa uhu anosanganisirawo Chimina, Mukonzi, Manyani neGotora.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti nyaya yekubviswa kwevanhu munzvimbo dzemadzitateguru avo inofanirwa kugadziriswa.

VaMavhinga vatiwo zviri kuitika kuUzumba zviri kuitikawo munzvimbo dzakawanda munyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuHeijin, iyo inonzi ine zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nezvekuChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG