Accessibility links

Breaking News

Ishe Chipfuyamiti Vanoshaya Mutsaona yeMotokari


VaTapera Zimondi, avo vanozivikanwa saIshe Chipfuyamiti vedunhu reUzumba kuMashonaland East, vakashaya nemusi weMuvhuro manheru apo motokari yavaishandisa yakaita tsaona neimwe motokari yainanga kuHarare.

VaTapera Zimondi, avo vanozivikanwa saIshe Chipfuyamiti vedunhu reUzumba kuMashonaland East, vakashaya nemusi weMuvhuro manheru apo motokari yavaishandisa yakaita tsaona neimwe motokari yainanga kuHarare.

Ishe Chipfuyamiti, avo vanova vedzinza revaHombiro, vanonzi vaibva kuHarare vachidzokera kumba kwavo apo vakashaya mutsaona iyi. Vakashayikira panzvimbo yetsaona iyi pamwe nemubatsiri wavo.

Mutyairi wemotokari yaIshe Chipfuyamiti anonzi ari muchipatara mushure mekukuvara zvakaipisisa.

Studio7 haina kukwanisa kubata mhuri yekwaChipfuyamiti kuti tinzwe zvakawanda pamusoro perufu rwavo.

Asi nhengo yeZanu PF inomirira Uzumba mudare reHouse of Assembly, VaSimba Mudarikwa, vanoti ichokwadi kuti Ishe Chipfuyamiti vakashaya mutsaona yakaitika neMuvhuro manheru.

VaMudarikwa vanoti dunhu ravo rarasikirwa zvikuru nemunhu aishanda zvakanaka munyaya dzebudiriro.

VaMudarikwa vanoti Ishe Chipfuyamiti vacharamba vachirangarirwa nevanhu vemudunhu ravo nepamusana pemabasa akanaka avakaita vachiri mupenyu mukusimudzira dunhu ravo.

Gore rapera, mwanakomana waIshe Chipfuyamiti, Emmanuel Zimondi, akafa mutsaona achityaira motokari yababa vake, iyo yaive nevamwe vanhu vatatu vakafira mutsaona iyi zvakare.

Mambo Chipfuyamiti wekutanga akatorerwa humambo hwake mushure mehondo yakaitika pedyo negomo rinonzi Barahwe, riri pamuganhu weUzumba neMaramba, uko kunonzi masoja evarungu akakundwa nemasoja aMambo Chipfuyamiti mugore ra 1896.

Gore rakatevera, mudzviti mutsva wedunhu reMurehwa, VaWilliam "Wiri" Edwards, vakaudza madzishe ose emaMurehwa kuti aise zvombo pasi, uye auye kuzonyoresa humambo hwawo kuhofisi yamudzviti.

Asi Ishe Chipfuyamiti vanonzi vakaramba kukanda zvombo zvavo pasi uye havana kuenda kunonyoresa zita ravo, izvo zvakaita kuti vasanyorwe mubhuku semumwe wemadzishe mudunhu rose reMurehwa muna 1897.

Kubva ipapo, rwudzi rwaIshe Chipfuyamiti haruna kuzoita ishe airwumirira zviri pamutemo.

Rudzi urwu rwakamboenda kumatare rwuchida kuti rwudzoserwe humambo hwarwo asi zvaikundikana nepamusana pekuti hapana mudzviti akatambira Ishe Chipfuyamiti samambo wevaHombiro.

Vatongi vematare vakati mutungamiri wenyika chete ndiye aigona kugadzirisa nyaya dzakadai kana achinge agutsikana kuti rwudzi urwu rwakatorerwa humambo hwaro nehurumende yevachena.

Vaive mutungamiri wenyika, muchakabvu VaRobert Mugabe, vakazoshandisa masimba avo zviri pamutemo kuitira kuti Ishe Chipfuyamiti vagadzwe humambo zviri pamutemo.

Asi humambo uhu hwakazopihwa mhuri yekwaZimondi mushure mekunge vaHombiro vawirirana kuti ndiyo imba yaifanirwa kutora humambo uhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG