Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

America neChina Vanovharirana Imwe Mizinda Yavo

VaDonald Trump

Mushure mekunge America yaudza China kuti ivhare muzinda wayo muguta reHouston, mudunhu reTexas, hukama nekudyidzana pakati penyika mbiri idzi hwakadzikira zveikuru. America iri kupomera China mhosva yekuti nhumwa dzayo dziri kuita zvehusori, dzichiba ruzivo rwezvenyaya dzezvehupfumi nekugadzirwa kwezvinhu.

China yakapinduravo nekuudza America kuti ivhare muzinda wayo muguta reChengdo, izvo zvakawedzera kusawirirana pakati penyika mbiri idzi.

Nemusi weSvondo, America yakasunga umwe mukadzi weku China akange akapotera mumuzinda weChina muguta reSan Francisco, achipomerwa mhosva yekuvanza kuti aimbove mumauto eChina.

Izvi zvese zviri kuwedzera kusawirirana pakati penyika idzi, idzo dzagara dzichinetsana pamusoro penyaya dzekutengeserana uye pamusoro pemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vanogara vachishora China vachiti yakatadza kumisa coronavirus munyika mayo izvo zvakaunza chirwere ichi kunyika zhinji pasi pose.

Vanodzidzisa zvekudyidzana kwenyika paCalifornia State University, kuChico, mudunhu reCalifornia, Doctor Angela Gapa, vanoti kusawirirana kwenyika mbiri idzi kwakagara kuripo kwenguva refu zvekuti hazvisi nyore kuti vaonerana nenzira imwe chete.

Doctor Gapa vanoti kuvimbana pakati penyika mbiri idzi kushoma asi sezvo dziri nyika dzino tengeserana zvinhu zvakawanda pahuviri hwadzo, dzichawana nzira yekushanda dzese kunyange paine kufungirana pakati padzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

Veruzhinji Vanopiwa Mukana weKubvunza VaTrump naVaBiden Zvavanoda Kunzwa Pamberi peSarudzo

Mutungamiri weAmerica uye vachamirira Republican Party musarudzo, VaDonald Trump nevachamirira Democratic Party, VaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica vari ivo vari kumirira bato reRepublican Party musarudzo, VaDonald Trump, nevari kumirira Democratic Party, VaJoe Biden, nezuro vakaita misangano panguva imwechete munzvimbo dzakasiyana vachipindura mibvunzo yeveruzhinji mukutsvaga kwavo rutsigiro masvondo mashoma sarudzo dzichaitwa musi wa 03 Mbudzi dzisati dzaitwa.

Vaviri ava vaifanirwa kunge vakasangana mugakava, asi mushure mekunge VaTrump vazivisa musi wa 02 Gumiguru kuti vakanga vabata chirwere cheCovid-19, varongi vegakava iri vakaita kuti musangano uyu uchiitwa pachishandisswa zvivhitivhiti kana kuti virtual, asi VaTrump vakaramba kupinda mazviri.

Kwakazove nemisangano neveruzhinji mumatunhu ePennsylvania neFlorida, VaTrump vachitevera musarudzo, vave kuedza kushandisa nguva yakarasika. Chiitiko ichi chakaburitswa nenhepfenyuro yeNBC News.

Vachitaura, VaTrump vakati vakanga vari kuNorth Carolina nezuro wakare uko vakaita musangano mukuru kwazvo wekutsvaga rutsigiro wakapindwa nevanhu vakawanda chose, uye vakanzwa zvakanaka chose. Vakatiwo vaive mumatunhu e Florida, Pennsylvania nemamwe ose.

VaTrump vakadzivirirawo matanho avo pachirwere cheCovid-19, vachiti vakamisa kupinda kwendege dzaibva kuChaina (China) mukupera kwaNdira.

Asi mhinduro iyoyo yakasvoropodzwa zvikuru naVaBiden, avo vaivewo mumusangano neveruzhinji waikokerwa naGeorge Stephanopoulos wenhepfenyuro yeABC News.

“Raive basa remutungamiri wenyika kutungamira asi haana kuita saizvozvo. Haana kutaura pamusoro pezvaifanirwa kuitwa nekuti, semaonero angu, aingoramba achishushikana nezvemusika wemari,” VaBiden vakadaro.

VaBiden vakati VaTrump vaifanirwa kumanikidza magavhuna ematunhu pamwe nemameya kuti vadzike mitemo iyo vanoti yaikwanisa kuponesa hupenyu hwevanhu vakawanda.

Vakadomwa naVaTrump kuti vave mutongi wedare reSupreme Court, Amai Amy Coney Barrett, vari mudare reSeneti uko vari kubvunzurudzwa svondo rino, uye kana vakatambirwa, zvinogona kubatsira kuona anokunda musarudzo.

“Zvinenge zviri kwavari. Ndinofunga kuti vanogona kupa mutongo unogona kunditsigira kana kunditsikirira. Handione zvangu paine dambudziko.” VaTrump vakadaro.

VaBiden havana kuzvipira pakuti vachawedzera here huwandu hwevatongi vedare reSupreme Court senzira yekushandura mamiriro akaita vatongi.

Vakati havasi kuzvitevera, uye zvimira nekuti zvinenge zvabuda sei

Vaviri ava vanowirirana pachinhu chimwechete.

VaTrump vakati “Tine sarudzo iri kuuya. Ndinofunga ndiyo sarudzo yakakosha munhoroondo yenyika yedu.”

Ukuwo, VaBiden vakavimbisa kushanda nevebato reRepublican kana vakasarudzwa.

“Nekuti pane zvinhu zvakawanda chose zvatiri kuwirirana mazviri.”

Asi pane zvakaewanda zvinopesanisa mapoka aya. Vanhu vatotanga kuvhota pamberi pesarudzo mumatunhu akawanda uye VaTrump vari kuyambira kuti panogona kuitwa chitsotsi chakakura. Nyanzvi zhinji munyaya dzesarudzo dzinoti izvi hazvisati zvamboitika. VaTrump vakabvunzwa kana vaizotambira zvinenge zvabuda musarudzo.

“Mhinduro inoti hongu, Hongu ndinotambira. Asi ndinoda kuti ive sarudzo inovimbika, zvinove zviri kludiwawo nemunhu wese.”

Vari kukwikwidza ava vari kutarisirwa kusangana svondo rimwe chete kubva iye zvino mugakava ravo ravanenge vari pamwechete rekupedzisira.

Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Misangano yaitwa naVaDonald Trump naVaJoe Biden Inobudisa Kusiyana Kwevatungamiri Vaviri Ava

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, veRepublican Party, naVaJoe Biden, veDemoctratic Party, vaita misangano, kana kuti ‘Townhall’ vachipindura mibvunzo yevanhu vari mumatunhu akasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Misangano Yaitwa naVaDonald Trump naVaJoe Biden Inobudisa Kusiyana kweMaonero eVaviri Ava

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vebato reRepublican Party, naVaJoe Biden, vachamirira bato reDemoctratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, vaita misangano vachipindura mibvunzo yevanhu vari mumatunhu akasiyanasiyana.

VaTrump vaita musangano wavo, kana kuti Townhall, kudunhu reFlorida, ukuwo VaBiden vachiitawo wavo vari mudunhu rePennyslavania.

VaTrump naVaBiden vachakwikwidzana musarudzo yemutungamiri weAmerica ichaitwa nemusi wa 3 Mbudzi gore rino.

Nyaya yanyanya kutaurwa pamusoro payo pamisangano miviri iyi ndeye chirwere cheCovid-19 nemabatirwo achakaitwa nehurumende yaVaTrump. VaTrump varumbidza basa ravaita kusvika pari zvino uye mamiriro akaita zvinhu munyika, asi VaBiden varatidza kuve nedzimwe pfungwa panyaya iyi.

VaTrump vasvika padyo nekubvuma kuti vane zvikwereti zvinoita mamiriyoni mazana mana emadhora, nyaya yakazara mumapepanhau uye yavasingafariri kutaura nezvayo.

Panyaya dzezvehutano, VaTrump vati chirongwa chekubatsira vanhu kana varwara, chinonzi Obamacare, vachachibvisa vagoisa chavo chavanoti chiri nani asi havana chavataura kuratidza kuti izvi zvichaitika sezvo vave nemakore vachitaura izvi.

Panguva iyo chirwere cheCovid-19 chave kubata vanhu vakawanda zvekare muAmerica, VaTrump vati nhomba yekudzivirira kutapurira chirwere ichi wave padyo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinorambwa navanamazvikokota avo vanoti mushonga wekurapa coronavirus uchiri kure uye zvehupfumi hazvina kumira zvakanaka sezvo mamiriyoni mazhinji evanhu akarasikirwa nemabasa avo, uye makambani mazhinji akatovharwa zvekuti haachakwanisi kudzoka.

VaBiden vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo dambudziko guru renyika riri rekushaya hutungamiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kweawa yose, VaTrump havana kupindura zvakakwana, mibvunzo yavange vachibvunzwa kubva panyaya yekushandisa mamasiki, kukurudzira masangano anoda zverusarura, nezvavanoda kuunza kana vabvisa Obamacare.

VaBiden vavimbisa kupa pfungwa yavo pamusoro pekuwedzera huwandu hwemajaji edare guru, reSupreme Court, kana vakakunda musarudzo.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vepa DeVry University, avo vange vakatarisa nekuterera vaviri ava vachipindura mibvunzo, vanoti hapana chitsva chabuda kana chataurwa, vachiti chanyanya kuonekwa kusiyana kwevarume vaviri ava mupfungwa nemaitiro avo.

VaMasocha vati VaBiden vakwanisa kuudza vanhu zvavanoda kuzovaitira kana vakakunda musarudzo asi VaTrump vapedza nguva vachingozvirumbidza pachinhambo chekuudza vanhu kuti sei vachida kupiwa mamwe makore mana ekutonga.

VaMasocha vati VaTrump vatambisa mukana wekukurudzira vanhu kuti vashandise mamasiki sezvo ivo vakambobatwavo nechirwere ichi uye apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika huchiramba huchikwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Citigroup Inodoma Amai Jane Fraser Kuve Mukuru Wayo Kutanga Gore Rinouya

Jane Fraser

Kambani yeCitigroup yakazivisa kuti ichange ichitungamirwa naAmai Jane Fraser mukutanga muna Kukadzi 2021.

Citigroup ndiyo muridzi weCitibank, bhanga guru rechina muAmerica, richitivera shure kwemabhanga e JPMorgan Chase, Bank of America, neWells Fargo.

Amai Fraser vachave mudzimai wekutanga kutungamirira bhanga guru mu America mushure mekuenda pamudyandigere kwemukuru webhabga iri, VaMichael Corbat, avo vane makore makumi matatu nemanomwe vachishandira bhanga iri.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDeVry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvaitwa neCitigroup chinhu chikuru uye zvinopa simba kuvanhukadzi vanoshanda mubasa iri.

Vati Amai Jane Fraser vakawana basa iri nekushanda nesimba pabhanga iri kwemakore anopfuura gumi nematanhatu.

Citibank ine vanhu vanopfuura mamirioni mazana maviri vanochengeta mari dzavo mubhanga iri, iro rinoshanda munyika dzinopfuura zana nemakumi matanhatu.

Kambani yeCitigroup ine vashandi vanoita zviuru mazana maviri nezvina.

Amai Fraser vakadzidza paHarvard University nekuCambridge University uye vave nemakore gumi nemanomwe vachishandira Citigroup.

VaMasocha vanoti kuti vapiwe basa guru iri, vakuru veCitigroup vakatarisa dzidzo, kugona basa pamwe neruzivo rwaAmai Fraser vakawana vainazvo zvese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaTrump Vanoti Vave Kudzikisa Huwandu HweVapoteri Vanotambirwa muAmerica

VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti hurumende yavo yave kudzikisa huwandu hwevapoteri vanopinda munyika mavo gore rega rega.

Kusvika parizvino, America yange ichitambira vapoteri zviuru gumi nezvisere vanobva kunyika dzakasiyasiyana.

Asi VaTrump vanoti America ichange ichitambira vapoteri vanoita zviuru gumi nezvishanu chete.

Hurumende yaVaTrump yakatonyora gwaro kudare reHouse of Representatives richivazivisa kuti ndizvo zvarave kuda kuita.

Muzvinafundo Stan Mukasa vanodzidzisa pa Indiana University, mudunhu re Pennslvania, vanoti huwandu hwevapoteri vanotambirwa muAmerica hunongogona kukwidzwa kana kudzikiswa nedare reCongress renyika iyi.

Vanotiwo nyaya yevapoteri iri mubumbiro remutemo weAmerica, naizvozvo havaoni VaTrump vachibudirira mukudzikisa huwandu hwevapoteri vanotambirwa muAmerica sezvo zvichida kuwirirana kwenhengo dzedare reparamende zvinova zvinoti netsei nekuti vanopikisa vemaDemocrats ndivo vakawanda.

Muzvinafundo Mukasa vanoti kutaura kwa VaTrump ndokwe munhu anoda kufadza vatsigiri vake sezvo riri gore resarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG