Accessibility links

Breaking News

Seneta Jeff Flake Voshuvira Zimbabwe reMangwana Rakajeka


FILE - Senator Jeff Flake (R-AZ) speaks to reporters on Capitol Hill in Washington, Jan. 22, 2018.
FILE - Senator Jeff Flake (R-AZ) speaks to reporters on Capitol Hill in Washington, Jan. 22, 2018.

Seneta wemuAmerica anomirira dunhu reArizona, VaJeff Flake, avo vanova zvakare sachigaro wekomiti yedare reSeneti inoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica, vaburitsa mashoko anotevera zvichitevera sarudzo dzakaitwa muZimbabwe musi waChikunguru 30, 2018.

“Mumazuva akawanda apfuura, ndakaita rombo rakanaka kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe. Zvichitevera makore akawanda ehutongi husina kunaka hwaVaRobert Mugabe, Zimbabwe inofanirwa kuva nehurumende inoremekedza vanhu vayo.

“Zvichitevera kuvhota murunyararo musi waChikunguru 30, mhirizhonga yakaitika musi Nyamavhuvhu1, iyo yakatora hupenyu hwevanhu vatanhatu, uye ikakuvadzisa vanhu vakawanda, yakadzora nyika shure kumakore ekare.

“Kushandiswa kwemauto mukupindira kana kumisa mhirizhonga yezvematongerwo enyika, kanawo kushandiswa kwesimba rakanyanya remapurisa mukuvhiringidza misangano yemapato ezvematongerwo enyika nevatori venhau, hazviratidzi gwara idzva rehurumende, asi kuti zvinoratidza maungira emanyakare anotyiwa nevakawanda.

Sen. Jeff Flake, R-Ariz., who announced last year he would not run for re-election in 2018, takes questions from reporters at the Capitol in Washington, Jan. 4, 2018.
Sen. Jeff Flake, R-Ariz., who announced last year he would not run for re-election in 2018, takes questions from reporters at the Capitol in Washington, Jan. 4, 2018.

“Senzira yekuti vanhu vavimbe nezvakabuda musarudzo, Zimbabwe Electoral Commission inofanirwa kuzadzisa vimbiso yayo yekuburitsa zvose zvakabuda musarudzo nenzira iri pachena inosanganisira zvose zvakabuda panzvimbo yekuvhotera uye zvakaiswa runyoro nevese vaimirira vaikwikwidza vakaona kuverengwa nekupenengurwa kwezvakabuda musarudzo.

"Zvipingaidzo zvakasanganwa nazvo musarudzo zvinofanirwa kugadziriswa nenzira dzakatarwa nemitemo.

“Apo ndaishanyira nzvimbo dzakawanda dzaivhoterwa munyika yose kumaruwa emuZimbabwe, ndakaona zvizvarwa zveZimbabwe, vechidiki nevakwegura vachifamba nzendo dzakarebesa vachienda kunovhota.

FILE - Zimbabwean women react as they wait to casts their votes at a polling station in Domboshava, about 45 km (28 miles) north of Harare, July 31, 2013.
FILE - Zimbabwean women react as they wait to casts their votes at a polling station in Domboshava, about 45 km (28 miles) north of Harare, July 31, 2013.

“Ndakaona vamiriri veZanu PF neveMDC Alliance vakagara vose vachitaura vachiwirirana pamwe nekubatsirana kuti huwandu hwevanhu vavhota huburitse chokwadi.

“Munhu wese wandakasangana naye munguva iyi, ndakaona muzviso zvavo ramangwana rakajeka renyika, uye rine hutongo hwejekerere nebudiriro yakanaka yeremangwana eZimbabwe.

“Ndinokushuvirai kuti remangwana racho rakajeka, rava kusvika.”

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG