Accessibility links

Breaking News

America Inowedzera neGore Zvirango Zvayakatemera VaMnangagwa neVamwe Vavo


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vawedzera negore zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF, pamwe nemakambani avanodyidzana nawo.

Trump
Trump

Muchiziviso chavapa kudare reCongress, VaTrump vati zvirango izvi zvinofanirwa kuramba zviripo kwegore rose kutanga musi waKurume 6, 2020.

Izvi zvinoreva kuti zvirango izvi zvichaongororwa zvakare gore rinouya.

America yakaisa pazvirango vanhu vemuZimbabwe nemakambani anodarika zana nemakumi mana.

Zvirango izvi zvakatanga kushanda muna 2003 apo vaive mutungamiri weAmerica panguva iyi, VaGerorge W Bush, vakatemera zvirango vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, nevamwe vavo muhurumende vachinzi vaityora kodzero dzevanhu pamwe nekusatevedza mitemo yenyika.

FILE - In this Jan. 29. 2002, file photo, President George W. Bush labels North Korea, Iran and Iraq an "axis of evil" during his State of the Union address on Capitol Hill. Donald Trump’s threat to unleash “fire and fury” on North Korea might have…
FILE - In this Jan. 29. 2002, file photo, President George W. Bush labels North Korea, Iran and Iraq an "axis of evil" during his State of the Union address on Capitol Hill. Donald Trump’s threat to unleash “fire and fury” on North Korea might have…

VaTrump vati zvichitevera kusiya basa muna Mbudzi 2017 kwaVaMugabe, pamwe nekushaya kwavo gore rapera, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yanga iine mukana mukuru wekugadzirisa maitiro ayo, asi izvi hazvina kuitika.

Vati hurumende yaVaMnangagwa iri kutoenderera mberi nekushungurudza vanoipikisa, uye kutadza kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika.

President EMMERSON MUNGAGWA
President EMMERSON MUNGAGWA

VaTrump vati maitiro akashata ari kuitwa nehurumende yeZimbabwe anokanganisa zvikuru donzvo reAmerica munyaya dzinobata nyika dzekunze.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, kuti vanotambira seyi zvaitwa nehurumende yeAmerica.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vati igaroziva kuti America haifariri hurumende yeZanu PF, uye inoteerera zvinotaurwa neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Asi munyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika mu MDC, Muzvare Gladys Hlatswayo, vati kuti zvirango zvibviswe, Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa zviri kunetsa munyika zvinosanganisira kuvandudza mitemo, kuremekedza kodzero dzevanhu vese pasingatariswe kuti munhu abuda mumba mani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG