Accessibility links

Breaking News

Bere Anonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Dare Richityira Kuti Anotiza


Police escort Nikolas Cruz into Broward County Jail following a shooting incident at Marjory Stoneman Douglas High School, in Fort Lauderdale, Florida, Feb. 15, 2018 in a still image from video.

Dare remuChiredzi ranyima Andrew Takashinga Bere mukana wekubvisa mari yechibatiso richiti musungawa akatarisana nemhosva hombe yaanofanirwa kunopika ari mujeri kuAmerica.

Mutongi wedare reChiredzi, Amai Geraldine Mutsoto, vati havagoni kupa Bere mukana wekuti agare kumba kwake akamirira kudzoserwa kuAmerica, sezvo aine nhoroondo yekutiza sezvaakaita kuAmerica mushure mekusungwa.

Amai Mutsoto vati Bere akatarisana nemhosva huru uye dare harigoni kumubvisa muhusungwa sezvo vasiri kuziva hurongwa hwehurumende hwekuti ichamusvitsa riini mumaoko ehurumende yeAmerica.

Vati Bere anogona kutizira kunyika dzakaita seChina, Italy , Mexico kunova kunozonetsa kuvabata.

Gweta raBere, VaCharles Vhudzi, vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Studio 7 yarambidzwa nehama neshamwari dzaBere dzanga dziri padare nhasi kutaura negweta raBere.

Hama idzi dzamboda kurova vatori venhau vanga vachida kutora mifananidzo yaBere uyo anga aine cheni mumaoko nemumakumbo.

Baba vemusungwa ndivo vanga vachinyanya kupengera vatori venhau, vachida kuvarova. Vatori venhau vazobva padare apa vachiita zvekutandaniswa nemhuri yekwaBere.

Bere nevamwe vake vanonzi vaibira vanhu mari dzemitero dzinofanirwa kudzoswa nehurumende kuvanhu ava.

Bere anonzi akaita izvi apo aigara kudunhu reOhio kubva muna 2007 kusvika muna 2012.

Vachuchisi vemuAmerica vanoti mari inodarika mamiriyoni manomwe emadhora yakabiwa naBere nevamwe vake vanoti Jullius Marimbire na Kudzaiishe Marimbire, avo vakatizawo kuAmerica, uye vachifungidzirwa kuti vari kuMasvingo.

America ine chibvumirano neZimbabwe chekubatsirana kuti vanopara mhosva munyika mbiri idzi vatongwe munyika dzavakaparira mhosva dzacho.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG