Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vanoonekana neVatori veNhau


Ambassador Harry Thomas Jnr
Ambassador Harry Thomas Jnr

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Jnr, avo vave kusiya basa, vanoti vanosuwa chose kuti vave kubuda muZimbabwe nyika isati yaita sarudzo dzakachena.

Asi vane tariro yekuti vanhu vemuZimbabwe vachawana zvese zvavanoshuvira mune remangwana.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavo wekupedzisira nevatori venhau muHarare, VaThomas vati vane tariro yekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka muZimbabwe zvekare.

Vati vanofara chose kuti vanhu vemuZimbabwe vave netariro zvichitevera kushanduka kwehurumende muZimbabwe.

VaThomas vatiwo vanofara nechirongwa chekunyoresa vavhoti cheBiometeric Voter Registration uyewo vane tarisiro yekuti nyika ichaita sarudzo dzakachena sekuvimbisa kwemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vati kusvika pari zvino, VaMnangagwa vari kuita zvese zvavakavimbisa zvakaita sekuwedzera nguva yekunyoresa vavhoti, kukoka dzimwe nyika kuti dzizoongorora sarudzo vachiti Europena Union neSADC dzakatotumira zvikwata zvadzo zvekuongorora sarudzo kuZimbabwe.

Vatiwo hurumende yeAmerica ichatumawo chikwata chekuongorora sarudzo idzi.

Vatiwo vemabhisimisi veAmerica vari kuuya kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe uye vanotarisira kuti vakwanda vachauya kana nyika ikaita sarudzo dzakachena.

Vati hurumende yeAmerica haironge nzendo dzezvikwata zvevemabhizimisi zvinoita dzimwe nyika uye vemabhizimisi vanouya vakazvimirira.

Panyaya dzezvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumemende nemadzisahwira avo neAmerica, VaThomas vati mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act unosungira America kuti isatsigire Zimbabwe kumasangano akaita seWorld Bank neIMF asi masangano aya haasati ambogara pasi kuti ape rubatsiro Zimbabwe nekuti ine zvikwereti.

Vatiwo kana nyika ikaita sarudzo dzakachena nekuremekedza kodzero dzevanhu zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muZimbabwe zvinogona kubviswa.

Vati mukati menguva pfupi iri kutevera kuchauya chikwata chevakuru vakuru vehurumende yeAmerica uye ivavo ndivo vane simba rekuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

Vatiwo zvinofadza kuti mutemo wekupa masimba kuvatema vemuno munyaya dzehupfumi wava kuvandudzwa uyewo vanodawo kuwona kuti vatori venhau vanoita basa ravo vasingambunyikidzwi uye kuti mapato anopikisa apihwe mukana mumapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende.

VaThomas, avo vave kuregedza basa muhurumende yeAmerica, vanoti vanofara kuti America ndiyo nyika inopa rubatsiro rwakakura kudarika nyika dzese kuZimbabwe munyaya dzehutano, dzidzo nezvimwe.

Vatiwo vanosurukirwa zvikuru kuti vave kudzokera kumusha vachiti Zimbabwe ndiyo nyika yava gara zvakanyaya kudarika dzese.

VaThomas, avo vakamboshanda pamuzinda wenyika yavo muZimbabwe vasati vadzoka zvakare semumiriri weAmerica muZimbabwe, vati vari kusuwa kuti vari kuenda muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, uyo ave kugara kuAmerica asati adzoka kuzoita mutambo wake webira muHarare kupera kwemwedzi unouya.

Vati Zimbabwe inyika yakanaka chose ine mushana uyewo vave kusiya shamwari dzavo dzakaita semuimbi ane mukurumbira, Oliver Mutukudzi.

Vatiwo vanofarirawo Jah Prayzah uyewo vati vachodzoka kuzoshanya muZimbabwe.

VaThomas vati vachaenda pamudyandigere vachigara naamai vavo nemhuri yavo vasati varonga zvimwe zvekuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG