Accessibility links

Breaking News

Ambassador Brian Nichols Vanoti America Iri Kubatsira Zimbabwe Kurwisa Korera


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoti nyika yavo iri kuedza nepaigona napo kubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano.

Vachitaura nevatori venhau veStudio7 muWashington neChishanu, Ambassador Nichols vakati vakashanyira bazi rinoona nezvezvirwere muAmerica, re Centers for Disease Control, CDC, mu Atlanta, vachiedza kuona kuti Zimbabwe ingabatsirwa seyi mudambudziko rekorera.

VaNichols vakati vakawana mukana wekutaura nenyanzvi dzehutano idzo dziri kushanda zvakanaka neZimbabwe munyaya dzehutano.

"Tine hukama hwakanaka chose neZimbabwe munyaya dzehutano uye ndakanzwa kufara nemushandira pamwe uri kuitwa nehurumende yeZimbabwe neCenters for Disease Control, " Ambassador Nichols vakaudza Studio7.

Vakati chirwere chekorera chirwere chinodzivirirwa, vachiti chinhu chakakosha ndechekuti vanhu vawane mvura yakachena.

"Tinoda chaizvo kushanda nevanhu vemuZimbabwe mukusumidzira kuwanikwa kwemvura yakachena," vakadaro VaNichols.

Vakati pane mushonga wekunwa unogona kudzivirira korera. Asi vakati kunyange hazvo usina simba rakanyanisa, mushonga uyu unobatsira zvikuru kudzivirira korera.

"Munhu anogona kupora nekuchimbidza kana aching abatwa nechirwere ichi, uye tiri kushanda nehurumende yeZimbabwe mukuwanira vanhu mushonga uyu. Tinovimba kuti vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru vachawana mushonga," vakadaro.

Kunze kwenyaya dzehutano, Ambassador Nichols vakatora mukana wekutsanangura zvinoreva zvisungo zvakatemerwa vamwe vanhu muhurumende pamwe nemakambani anodyidzana nevakuru.

Vakati Zimbabwe ine mukana wekuti zvirangano izvi zvibviswe, ndokana ichinge zadzisa zvinodiwa nebumbiro rayo remitemo iro rakatambirwa muna 2013.

Vakati pane mitemo yakaita sePublic Order and Security Act nemimwe inodzvanyirira kodzero dzevanhu. Ambassador Nichols vakati Zimbabwe inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yayo kuitira kuti zvirango zvibviswe.

Vakati America inoda kuona zvinhu zvichivandudzwa kwete vimbiso chete.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuburikidza nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogara vakataura kuti hurumende yavo yakazvipira kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG