Accessibility links

Breaking News

UN Inoti Iri Kufadzwa Negadziriro dzeSarudzo Dziri Kuitwa neHurumende YaVaMnangagwa


VaAchim Steiner UNDP
VaAchim Steiner UNDP

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reUnited Nations Development Program, UNDP, vari zvakare mutevedzeri wasachigaro weboka rezvebudiriro muUnited Nations, VaAchim Stainer, avo vanga vachishanya muZimbabawe kwemazuva matatu apfuura, vanoti United Nations inofara nebasa riri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa mugadziriro yesarudzo dzegore rino.

Bepanhau reSunday Mail rinoti VaStainer vakati mharidzo yaVaMnangagwa yekuti vanoda kuti kuitwe sarudzo dzejekerere, uye dzakachena inotaridza kuti hurumende yavo iri kuyedza kuita zvinhu nenzira yakanaka.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa zvematongerwo enyika pa Tswaane University mu Pretoria, kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza vanoti mashoko aVaStainer anoratidza kuti UN iri kuona hurumende yaVaMnangagwa neziso rakasiyana neravaiona naro hurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Doctor Mukonza vanoti vanoona sekuti UNDP icharamba ichiwedzera kuisa ruoko rwayo mune zvematongerwo enyika uye kubatsiridza kuti nyaya dzine chekuita nesarudzo munyika dzifambiswe zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG