Accessibility links

Breaking News

United Nations Yopemhera Zimbabwe US$378M


Sangano re United Nations raparura zviri pamutemo chirongwa chekupemhera Zimbabwe mari inodarika mamiriyoni mazana matatu nemakumi manomwe nesere emadhora eku America, iyo ichashandiswa munyaya dzebudiriro, chikafu pamwe nemishonga gore rinouya.

Vachitaura nevatori venhau neMuvhuro muHarare, Muzvare Bragg vati pamari yavari kutsvagira Zimbabwe, mari zhinji ichaendeswa kubazi rezvekurima, richiteverwa nebazi rezveutano.

Muzvare Bragg vatiwo mari inosvika mamiriyoni mana emadhora eku America ichashandiswa munyaya dzebudiriro. Vatiwo mari yavari kuda rwendo rwuno ishoma, zvichienzaniswa nemamiriyoni mazana mapfumbamwe emadhora yakapemerwa Zimbabwe mugore ra 2009. Asi Muzvare Bragg vati kunyange hazvo zvinhu zvave kuratidza kunge zvave nani, Zimbabwe haisati yabuda mumatope mayanga iri.

Muzvare Bragg vati zvakakosha kuti vane homwe dzemari vatisgire Zimbabwe nemari yezvirongwa zvebudiriro, kuitira kuti igozvimirira, kwete kugara yakapona nekupemha nguva dzose.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvekubatana nedzimwe nyika, Amai Priscialla Misihairaimbwi Mushonga, vatiwo sezvo Zimbabwe yave kuratidza kakubudirira, zvakakosha kuti vane homwe dzemari vatsigirewo zvirongwa zvebudiriro.

Amai Misiharimbwi Mushonga vatiwo vari kufara nekudyidzana kuri nani pakati pehurumende yemubatanidzwa nemasangano akazvimirira pamwe ne United Nations. Gurukota iri rati gore rapera, Zimbabwe yanga isiri kudyidzana nemasangano akazvimirira nepamusana penyaya dzezvematongwero.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaIgnatius Chombo, vatenda zvikuru kushanda kwakaita masangano akazvimirira mukupedza kutambura kwevanhu munyika.

Vamwewo vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, mumiriri we Sweden muZimbabwe, VaStern Rylander, mumiriri weGermany muZimbabwe, Albrecht Conze, nevamwe.

XS
SM
MD
LG