Accessibility links

Breaking News

United Arab Emirates Inoregedza Mangoda e Zimbabwe


Sachigaro we Kimberley Process, Va Mathieu Yamba, vakapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda aya masvondo apfuura vachiti mbada ne Marange Resources, dzainga dzaita zvose zvinodiwa ne KP kuti vatengese

United Arab Emirates inonzi yakaregedza mangoda e Zimbabwe anokosha mamiriyoni 160 dollars ayo yakanga yabata zvine chisimba ichiti Zimbabwe yaiva isina mvumo yekutengesa mangoda aya.

Mangoda aya ainga abatwa mu Dubai muna Mbudzi wegore rapera mushure mekunge makambani eku India atenga mangoda aya munguva iyo Kimberley Process yaiti Zimbabwe yaisava nemvumo yekutengesa mangoda ekwa Marange.

Sachigaro we Kimberley Process, Va Mathieu Yamba, vakapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda aya masvondo apfuura vachiti mbada ne Marange Resources, dzainga dzaita zvose zvinodiwa ne KP kuti vatengese.

Dzimwe nyika dzakaita se America hadzisi kuwirirani naVa Yamba kuti Zimbabwe ichitengesa, asi United Arab Emirates inoti yaregedza mangoda aya nekuti Va Yamba vakati Zimbabwe yava nemvumo yekutengesa.

Svondo rapera, sachigaro ve Zimbabwe Mining Development Corporation, Va Goodwills Masimirembwa, vakakurudzira UAE ne Belgium kuti dziregedze mangoda e Zimbabwe adzakabata.

Gurukota rezvemighodhi, Va Obert Mpofu, vati UAE yanga yakabata mangoda aya zvisiri pamutemo izvo zvatadzisa bazi ravo kupa mari gore rino kubazi rehupfumi.

Va Mpofu vati nyika dzakabudirira dziri kuedza zvakawanda kuti mangoda e Zimbabwe asatengeswa pasi rose.

Va Dewa Mavhinga ndivo coordinator ve Crisis in Zimbabwe Coalition mu South Africa. Vanoti UAE yamhanya kuregedza mangoda aya.

XS
SM
MD
LG