Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUN, VaClement Voule, Vanoita Musangano naVaMudenda


Jacob Mudenda Speaker Of Parliament
Jacob Mudenda Speaker Of Parliament

Nhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero dzevanhu, VaClement Voule, yasangana nemutauri weNational Assembly pamwe nemasachigaro emakomiti ose eparamende vakazeya nyaya dzakasiyana siyana dzinosanganisira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, kodzero dzevanhu, pamwe nezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo VaVoule varamba kutaura nevatori venhau mushure memusangano uyu, mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vati vaudza VaVoule nechikwata chavo kuti hurumende inoita zvinhu zvayo zvese pachena ndosaka vakakokwa kuzozvionera pamhuno sefodya.

VaMudenda vati vazeya zviri kuitwa neparamende mukushandura mitemo inoona nezvesarudzo nehupfumi.

VaMudenda vati VaVoule nechikwata chavo vange vachidawo kuziva zviri kuitwa neparamende mukuona kuti zvakataurwa neMotlanthe Commission pamwe nemasangano nenyika dzakauya kuzoongorora sarudzo zvatevedzwa here.

Asi VaMudenda vati hapana zvataurwa panyaya dzekupambwa kuri kuitwa vanhu munyika.

VaVoule avo vari munyika kwemazuva gumi, vachasangana nemakurukota ehurumende, pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira akawanda munzvimbo zvinji munyika.

Sachigaro wesangano reChurches and Civic Society Forum, Reverend Anglistone Sibanda, vaudza Studio7 kuti kushanya kwaVaVoule kwakakosha chose sezvo kuchaburitsa pachena zvese zviri kuitika munyika.

Vati vanovimba kuti masangano ese achawana mukana wekutaura naVaVoule.

Asi vamwe vakaita semukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti hapana zvizhinji zvavanotarisira kubva parwendo rwaVaVoule.

VaRuhanya vati pane dzimwe nhumwa dzeUN dzakamboshana munyika panguva yeMurambatsvina asi hapana chakashanduka.

VaVoule vari munyika mushure mekukokwa nehurumende kuti vazoongorora kuti zvinhu zvakamiraa sei munyika panyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nezvimwe.

Vange vakamirira bazi rezvemutemo pamusangano wanhasi vati VaVoule ndivo chete panyanzvi nhanhatu dzinoona zvakasiyana siyana muUN dzakakokwa nehurumende kuti dzione kuti zvinhu zvakamira sei munyika.

VaVoule nechikwata chavo vari munyika panguva iyo vanachiremba navanamukoti vari kuramwa mabasa vachiratidza kusafara nekupambwa kwakaitwa vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi.

Vashandi vemuzvipatara ava vari kuti vachadzokera kubasa kana Dr. Magombeyi vawanikwa vari vapenyu.

Hurumende inoti iri kushushikana nekupambwa kwakaitwa Dr. Magombeyi, panguva iyo nhumwa dzeUN dziri muZimbabwe. Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakaudza vatori venhau kuti kupambwa kwaDr. Magombeyi kunogona kunge kwakaitwa nevamwe vanhu vasiri muhurumende, vaine chinangwa chekusvibisa chimiro chehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Asi mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti ibasa rehurumende kuona kuti yaferefeta zvakadzama, kuitira kuti vakapamba Dr. Magombeyi vaniswe pamberi pematare edzimhosva vachitongwa nenyaya dzekutyora mitemo yenyika, pamwe nekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG