Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau, Frank Chikowore naSamuel Takawira, Vomiswa Mudare neMugovera


Mutauriri weZRP, Paul Nyathi -Police
Mutauriri weZRP, Paul Nyathi -Police

Mapurisa asunga vatapi venhau vaviri, Frank Chikowore anoshanda akazvimirira, naSamuel Takawira wekambani ye263 Chat, pachipatara chiri kurapwa nhengo nhatu dzeMDC dzakapambwa dzichazowanikwa svondo rapfuura.

Vaviri ava vasungwa panguva dzemangwanani nemapurisa vakaendeswa kukamba yeWaterfalls, uko vazotorwa voendeswa kuHarare Central, uko vari pari zvino, uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMugovera.

Gweta revaviri ava, VaPaidamoyo Saurombe, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio7 kuti vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekurambakuterera mapurisa.

VaSaurombe vati vaviri ava vanonzi vapinda muWard ine nhengo dzeMDC dzinoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova kunyange hazvo mapurisa ati ange avarambidza kuita izvi.

VaSaurombe vaudza Studio7 kuti vaviri ava vasungwa nemhosva yekutyora mutemo weStatutory 83 of 2020 uyo une chekuita nekudzivirirwa kweCovid-19.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati vaviri ava vachaenda kudare neMugovera.

Asi Chikowore naTakawira vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mukuru weMedia Institute of Zimbabwe – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vashora kusungwa kwevaviri ava vachiti hakuenderani nebumbiro remitemo yenyika.

Kusungwa kwevaviri ava kwaitika apo masangano anorwira kodzero dzevanhu pasi peZimbabwe Human Rights NGO Forum, aendesa gwaro renyunyuto kugurukota rezvemukati memenyika, VaKezembe Kazembe, pamwe nemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, achiti vanofanira ferefeta kutyorwa kwakaitwa kodzero dzaMuzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova.

Sachigaro wemasangano aya, Muzvare Jestina Mkoko, vati nyika yose inoda kuziva kuti chii chakaitika kuvatatu ava.

Vatatu ava vakasungwa mushure mekuratidzira kuWarren Park musi wa13 mwedzi uno asi vakazopambwa ndokuzowanikwa musi wa15 kuBindura vakarohwa, kubatwa chibharo nekushungurudzwa zvakanyanya.

Kutaura kudai vari kurapwa pane chimwe chipatara muHarare uye vatori venhau vasungwa ava vange vari kuita nyaya yekuona kuti hutano hwevatatu ava hwamira sei pamwe nekunzwa kubva kuhama dzavo.

Vachitaura mudare rereneti nemusi weChina, gurukota rezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vakati vatatu ava vakatyora mutemo weNational Lockdown uye mapurisa anoda kutaura navo kana vachinge vabuda muchipatara.

Asi Muzvare Mkoko, avo vakambopambwa vakagara muhusungwa kwemazuva akawanda, vati kunyange hazvo paine zvisungo zvekudzivirira kupararira kweCoronavirus, handizvo zvingaite kuti munhu ashungurudzwe sezvakaitwa vatatu ava.

Vati kana munhu achinge apara mhosva anosungwa nemapurisa obvisiswa faindi, kana aramba kubvisa faindi omiswa pamberi pematare edzimhosva achitongwa nemhosva yaakapara iye achipawo zvikonzero zvake zvekuramba mhosva iyi, kwete kuti munhu atochwe.

VaKazembe pamwe nemapurisa vakatozivisa kuti nyaya yevatatu ava iri kuferefetwa.

Pachipatara chiri kurapwa vatatu ava pakaiswa mapurisa akawanda izvo zvisiri kufadza vabereki nehama dzavo pamwe nebato ravo reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG