Accessibility links

Breaking News

Chikowore naTakawira Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Journalists Samuel Takawira and Frank Chikowore stand with a police detective outside a court in Harare, Zimbabwe, May 23, 2020. (Columbus Mavhunga/VOA)
Journalists Samuel Takawira and Frank Chikowore stand with a police detective outside a court in Harare, Zimbabwe, May 23, 2020. (Columbus Mavhunga/VOA)

Vatori venhau vaviri, Frank Chikowore naSamuel Takawira, vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora emuZimbabwe pamunhu kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Chikowore naTakawira vanzi vadzoke kudare musi 15 Chikumi, uye vagare pamakero avakanyoresa kumapurisa kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa kutongwa.

Vaviri ava vakasungwa nemusi weChishanu vari paParktown Hospital vachiita basa ravo sevatori nhau.

Vakapinda mudare nemusi weMugovera, acsi muchuchisi wenyaya iyi, VaTerence Mukuze, vapikisa kuti vaviri ava vabhadhariswe mari yechibatiso.

Asi hapana zvikonzero zvakapiwa nemuchuchusi zvekuti vaviri ava vanyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Gweta revaviri ava, VaPaidamoyo Saurombe, vatiwo dare rati

vaviri ava vasakanganise kuferefetwa kwenyaya iyi.

VaSaurombe vaudzawo vati vari kugunun’una nekuramboshungurudzwa kuri kuita vatori venhau vachiita basa ravo vakati semagweta vachaongorora matanho avangatora kuitira kuti vatori venhau vachengetedzeke pavanenge vachiita basa ravo.

Pakasungwa Chikowore naTakawira, vaviri ava vaida kutaura nenhengo dzeMDC nhatu dziri kurapwa paParktown hospital dznoti mumiriri weHarare West muparamnde, Muzvare Joana Mamombe, mutevedzeri weveboka revechidiki, Muzvare Cecilia Chimbiri nemurongi wemisangano yevechidiki, Muzvare Netsai Marova.

Vapomerwa mhosva yekutyora mutemo une chekuita nekudzivirwa kwechirwere cheCovid-19, Statutory Instrument 83 of 2020.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati havasi kufara kuti vatori venhau vachiri kuramba vachimbunyikidzwa zvisinei nemutongo wakapiwa nedare repamusoro wekuti vatori venhau vanoita basa rakakosha nekudaro vanofanira kuita basa ravo vakasununguka.

VaMoyo vatiwo hazvina kunaka kuti Zimbabwe irambe ichingotaurwa panyaya dzekumbunyikidza vatori venhau.

Mune imwewo nyaya yaitika kuChunhoyi, mutori wenhau weStudio7, Nunurai Jena, uyo akasungwawo kuChinhoyi mwedzi wapera achiita basa rake, anzi adzoke zvakare kumatare musi wa 9 Chikumi.

Zvichakadaro, mumwe mutori wenhau, Augustine Moyo, uyo akamboita mutauriri we Zimbabwe National Road Administration, ashaya mutsaona yemotokari.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti rufu rwake rwuchafamba seyi.

Vatori venhau vakawanda vanyora paTwitter vachiratidza kurwadzikana zvikuru nekushaya kweMoyo.

Mune imwewo nyaya yaitika muHarare, bato reMDC rinotiwo imwe nhengo yaro yeHarare Youth Province, VaLovejoy Chitengu, vasungwa nemaourisa nhasi mangwanani.

Mutauriri wevechidiki mubato iri, VaStephen Chuma, vati vaChitengu vari kupomerwa mhosva yekuratidzira mukuratidzira kwakaitwa kumusha weWarren Park apo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCOVID-19.

Gweta riri kumiririra VaChitengu, VaGift Mtisi, vati VaChitengu vari kupomherwa mhosva yekutyora mutemo une chekuita nekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio7 parunhare kuti vanga vakabatikana patavafonera, vakati tivafonera zvekare pavanenge vasununguka, inova nguva yatinenge tava pamhepo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG