Accessibility links

Breaking News

VaTundiya Vorovererwa naVaGoddard Mhosva yeKukumbira Chioko Muhomwe


Mr James Goddard 2
Mr James Goddard 2

Komiti yeparamende iri kuongorora nyaya yehuwori iri kupomerwa vaimbove sachigaro wekomiti yezvemigodhi, VaTemba Mliswa, yaudzwa kuti muzvinabhizinesi wekuKwekwe, VaShepard Tundiya, avo vanozviti vakatumwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kunogadzirisa zvinhu kukambani yeHwange Colliery, ndivo vakakumbira kubhadharwa mari yechioko muhomwe, kwete VaMliswa.

Vachipa humbowo kukomiti iri kuongorora nyaya yehuwori iri kupomerwa VaMliswa, VaLeonard Chikomba veZanu PF, VaPrince Dubeko Sibanda naVaAnele Ndebele veMDC, muzvinabhizimisi VaJames Goddard, vati vakakokwa kuHarare naVaTundiya vachinzi vaida kupihwa mukana wekuti vachere marasha kuHwange sezvo kambani yaiveko, yeMota Engil, yainge isiri kuita basa zvinofadza.

VaGoddard vati vakaudzwa naVaTundiya kuti izvi zviitike, vaifanira kutanga vasangana nenhengo dzekomiti yezvemigodhi uye ndosaka vakazosangana nenhengo ina idzi kumahofisi avo kuBorrowdale.

VaGoddard vati pamusangano uyu, VaTundiya vakati vainge vatumwa nemahofisi emutungamiriri wenyika kuzogadzirisa zvinhu kuHwange.

Vati VaMliswa vakataura kuti hurumende yaida kuti vemakambani akazvimirira vashande vevanhu vari muhurumende mukusimudzira hupfumi hwenyika.

VaGoddard vati VaMliswa vakabuda mumusangano uyu usati wapera uye vakazosara vokumbirwa mari VaMliswa vatoenda.

Pavabvunzwa negweta raVaMliswa, Advocate Tawanda Zhuwara, kuti ndiVaMliswa vakavakumbira mari here, VaGoddard varamba kuti VaMliswa havana kumbovakumbira mari.

VaGoddard vati VaTundiya ndivo vakavaudza kuti nhengo dzekomiti iyi dzaienda kuHwange uye dzaida zviuru mazana mana emadhora kuti dzizopa vamwe vanhu kuHwange kuitira kuti ivo VaGoddard vakwanise kuwana basa rekuchera marasha kumugodhi uyu.

Vatiwo VaNdebele vainge vari mutokari mavo apo VaTundiya vakavakumbira mari vachiti yaidiwa nenhengo dzeparamende uye paivewo naVaChikomba naVaSibanda.

Vati vakatyamadzwa chose nekuita kwaVaTundiya uye VaTundiya vakabva vavati vaikwanisa kubvisa mazana maviri ezviuru zvemadhora uye vozobvisa imwe yacho kana vapihwa contract yekuchera marasha kuHwange.

Vati ipapo VaChikomba vakabva vavanyorera nhamba dzeAccount yekubhanga kwavo kuti vagoisa mari iyi.

Vati kunyange hazvo vakatambira Account yaVaChikomba, havana kuisa mari iyi mubhanga uye remangwana racho vakafonerwa naVaNdebele vachivaudza kuti vainge vasina kufara nezvainge zvaitika.

VaGoddard vati vakayambirwa naVaNdebele kuti vaifanira kuchenjerera zvaitwa naVaTundiya.

VaGoddard vati vakabvuma kuuya kuHarare nekuti vainge vatenda kuti VaTundiya vainge vachishandira kumahofisi emutungamiriri wenyika.

Vati VaTundiya vakavapa kero yemahofisi emutungamiriri wenyika yepaMunhumutapa Building uye vakatovanyorera tsamba mbiri vachishandisa kero iyi.

Asi vati mushure mekukumbirwa mari ndopavakazotanga kuda kuongorora kuti VaTundiya vaive munhu akaita sei.

Vati vakazofonera mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi, vachiti vainge vaisiri kufara nezvaitika.

Vati nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge VaMohadi vati vafanira kumhan’ara nyaya iyi kana vainge vakazvipira kupa humbowo kumapurisa.

Vati vakamhan’ara nyaya nekuti vanoda kuti bhizimisi riitwe pachena uye vati vakazvipira kusimudzira Zimbabwe.

Nhasi vaGoddard vabvunzurudzwa nemagweta enhengo dzeparamende dziri kupomerwa mhosvapamwe nenhengo dzekomiti iyi.

Vamwe vachapa humbowo kukomiti iyi, ndemumwe mushandi waVaGoddard, VaDavid Stein, gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, VaTundiya pamwe nenhengo dzeparamende dziri kupomerwa mhosva.

Gore rapfuura, VaTundiya vakakoka nhengo dzebhodhi reHwange kuState House vachiti dzaidiwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, asi pakasvika nhengo idzi kuState House hadzina kusangana nemutungamiriri wenyika.

Kunyange hazvo VaMliswa nekomiti yavo vakaratidza kusafara nekushandiswa kwezita nemahofisi emutungamiriri wenyika, izvi zviri kuenderera mberi.

Komiti yaVaMliswa yaiongororo huwori hunotyisa hwaitika mukambani yeHwange uye vakazodzingwa kukomiti iyi mushure mekukonana nedzimwe nhengo dzekomiti iyi kubva kuZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG