Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Vacharamba Havo Vachishandisa Ethiopian Airlines Zvisineyi neTsaona Yakaitika


FILE - Workers service an Ethiopian Airlines Boeing 737-800 plane at the Bole International Airport in Ethiopia's capital Addis Ababa, Jan. 26, 2017.
FILE - Workers service an Ethiopian Airlines Boeing 737-800 plane at the Bole International Airport in Ethiopia's capital Addis Ababa, Jan. 26, 2017.

Kunyange hazvo ndege yeEthiopian Airlines yakadonha neSvondo mangwanani ikauraya vanhu vose vaive mundege iyi, vamwe vanoshandisa ndege idzi pavanenge vachishanya kuAfrica vachibva kuAmerica vanoti vacharamba havo vachishandisa ndege dzeEthiopian Airlines sezvo iri nani pane dzimwe ndege dzavanomboshandisa.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muCalifornia, Doctor Angela Gapa, vanoti mubasa ravo ravanoita vanoona Ethiopian Airlines iri nyore kushandisa.

Doctor Gapa vanoti ndege zhinji dzinobva kuLos Angeles, muCalifornia dzichienda kuAfrica dzinoshandisa nzira refu dzinoita kuti munhu upedze munguva yakareba usati wasvika kwauri kuenda.

Semuenzaniso, Doctor Gapa vanoti kana vachienda kuZimbabwe vanogona kutora ndege yeEthiopian Airlines inovasvitsa muAddis Ababa, vozotora imwe ndege inoenda kuHarare mushure mekumira muEthiopia kwenguva pfupi.

Doctor Gapa vanoti kana vakashandisa dzimwe ndege, vanotanga vaenda kuEurope uko vanosvika mangwanani vopedza zuva rese vakamirira ndege yemanheru kuti vaende kuZimbabwe.

Ndege yeEthiopian Airlines Flight 302 yakaita tsaona mangwanani eSvondo maminetsi mashoma ichangosimuka muEthiopia ichienda kuNairobi, kuKenya, vanhu vose vaive mundege iyi vakafa.

Tsaona iyi ndeye chipiri kuitika kumhando yeBoing 737 Max 8, zvichitevera imwe tsaona yakaitika mwedzi mitanhatu yapfuura pedyo neIndonesia, vanhu vose vaive mundege iyi zana nemakumi masere nevapfumbamwe vakafa.

Mhando yeBoing 737 Max 8 inonzi ndiyo iri kufarirwa zvakanyanya nemambani endege, zvekuti pane dzimwe ndege itsva zviuru zvishanu dzakatomirirwa nemakambani endege kuti vadzishandise.

Ndege yemhando iyi yakatanga kushandiswa muna 2017.

Zvichitevera tsaona iyi, makambani endege emuAmerica anoti Southwest Airlines, Air Canada neUnited Airlines, anoti acharamba achishandisa ngege dzemhando iyi, asi China inonzi yambomisa kushandisa ndege dzayo makumi mapfumbamwe nenhanhatu dzemhando iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG