Accessibility links

Breaking News

Vanotakura Zvinhu Zvinopfuura nePamuganhu weNyika Voshora Mitemo Mitsva yeZimra


The Beitbridge border post in Zimbabwe's Matabeleland South province was shut down today after the government effected the import ban on basic commodities.
The Beitbridge border post in Zimbabwe's Matabeleland South province was shut down today after the government effected the import ban on basic commodities.

Vatyairi vemotokari dzinofamba neveruzhinji vachienda kunze kwenyika vanoti mutemo wakaiswa nebazi reZimbabwe Revenue Authority, Zimra, wekuti vazivise hurumende mazita evanhu nezvinhu zvavanenge vakatakura maawa matatu vasati vasvika pamuganhu wenyika wakaitwa zvechimbichimbi veruzhinji vasina kupihwa mukana wekupa pfungwa dzawo.

Izvi zvinotevera chiziviso chakaitwa neZimra ichiti iri kutora danho iri senzira yekugadzirisa dambudziko rekunonoka kubatsira vanhu vanenge vachida kupinda munyika pamwe nekuti nyika ikurumidze kuwana mari yemitero yainenge ichitora kuvanhu nemakambani.

Zimra inoti munhu anotadza kutevedza mutemo uyu anosungwa achibhadhariswa faindi.

Mutungamiriri weZimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFradreck Maguramhinga, vanoti pabepa mutemo uyu unoratidza kuve wakanaka asi nguva zhinji mitemo iyi haitevedzerwi nehurumende.

VaMaguramhinga vanotiwo zvakakoshawo kuti dai vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vachipihwa mukana wekuisawo pfungwa dzavo panenge pachiiswa mitemo mitsva inovabata.

VaMaguramhinga vanoti zvinganetsa pamutemo uyu inyaya yekuti vatyairi vanenge voda kuti vashandise michina inoratidza zvinenge zviri mumabhegi evafambi sezvo vachikwanisa kunyeberwa zvinenge zvakatakurwa nemunhu.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano re Labour Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vanoti kuti mutemo uyu ushande zvakanaka, panoda kunyatsotsanangurwa nzira dzekuti mazita evanhu nezvakatakurwa izvi zvinosvitswa sei kuZimra.

Asi imwewo nyanzvi inoongorora zveupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti havaoni mutemo uyu uchibudirira nekuti Zimra haisati yavanemishina yechizvino zvino inoita kuti zvairi kuda zvive nyore.

Hurongwa hweZimra huri kuitwa zvichitevera mari yayakapihwa nebhanga reAfrican Development Bank kuitira kuti ivandudze mashandiro ayo kuburikidza nekutenga mishina yechizvino zvino inoita kuti Zimra ikurumidze kuwana mari yemitero inobhadharwa nevanhu nemakambani vanenge vachipinda nezvinhu kubva kune dzimwe nyika.

Bhanga reAfrican Development Bank rakapa Zimra mamiriyoni masere emadhora ekuAmerica kuitira kuti bazi iri risimbaradze mashandiro aro pakubhadharwa kwemitero.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati mari iyi ichabatsira kusimbaradza ZIMRA panyaya dzekutambira mitero pamwe nekurerutsira veruzhinji nemakambani kubhadhara mitero.

Vachitaurawo pakasainiranwa chibvumirano chekubatsira Zimra nemamwe mapazi ehurumende, Commissioner General we Zimra, Amai Faith Mazani, vakati mari yavakawana iyi ichavabatsira zvikuru pakuvandudza michina yavo nemabasa avo pakubhadharisa mitero yakasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG