Accessibility links

Breaking News

Coronavirus Yokenzeresa Kushaikwa Muzvitoro kweZvinhu Zvinobva kuChina


Zvinhu zvinobva kuChina
Zvinhu zvinobva kuChina

Vanotenga midziyo muzvitoro zveMachaina muBotswana vachizozvitengesa kuZimbabwe, vanoti midziyo yavanogarotenga haichisiri kuwanikwa muBotswana sezvo midziyo iyi isiri kuuya nehuwandu hunotarisirwa kubva kuChina nepamusana pedambudziko reCoronavirus.

Mumwe anoita basa rekutenga midziyo iyi muBotswana, achizotengesa kuZimbabwe, Muzvare Precious Nyikadzino, vanoti chirwere cheCoronavirus chiri kuita kuti bhizinesi ravo riderere zvikuru nokuti hakuna midziyo muzvitoro zvavagara vachitenga.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaAllen Dewere, vanotiwo midziyo yakafanana nematerevhizheni makuru, nezvipfeko zvenguva yechando, hazvisi kuwanika muzvitoro izvi.

Vana muzvinabhizinesi vekuChina vari muBotswana vaudza Studio7 kuti havasi kukwanisa kuhodha midziyo kunyika kwavo nepamusana pekuti South Africa haisi kubvumidza kuti ngarava dzinobva kuChina dzipinda munyika iyi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, icho chakatanga kuChina kwakare gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr. Thomas Chaitezvi, vanoti vanotenga nekutengesa zvinhu vanofanirwa kumbomira kufamba famba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nekutenga nekutengesa, VaLuckson Kambeva, vanoti pamusoro pedambudziko reCoronavirus, rimwe dambudziko ravakatarisana naro, kupera kwesimba remari, izvo zvinoita kuti zvinhu zvavanoda kutenga, zvivadhurire.

Kunyange hazvo ZimTrade ichiti hakuna kutenga nekutengeserana kune hudzamu hwakakura pakati peBotswana neZimbabwe muongororo yayakaita gore rakapera, inoratidza kuti Zimbabwe yakatenga zvinhu zvinosvika mamiriyoni anodarika makumi maviri emadhora ekuAmerica, mari zhinji ichibva kuvanhu vanotenga zvinhu muBotswana vachizozvitengesa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG