Accessibility links

Breaking News

Kambani yekuSouth Africa Yowana Basa reKumutsidzira NRZ


National Railways of Zimbabwe
National Railways of Zimbabwe

Kambani yekuSouth Africa, yeTransnet, inonzi yakwanisa kukunda mamwe makambani kuti iwane basa rekuvandudza mashandiro eNational Railways of Zimbabwe, kana kuti NRZ, nemari inosvika mamiriyoni mazana mana.

Sachigaro webhodhi reNRZ, VaLarry Mavhima, vati kambani iyi ichashanda neyeDiaspora Infrastructure Development Group ine zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Transnet inofanira kubatsira NRZ kutenga zvitima uye michina yechizvino zvino.

VaMavhima vanoti NRZ haisi kuzobuda mumaoko evanhu veZimbabwe. “Havasi kutenga NRZ kana chinyi zvacho cheNRZ. Vari kuuya nemari kugadzirisa mashandiro eNRZ vakabatana nesu semakambani maviri kuti basa rive rino simukira,” VaMavhima vakaudza Studio 7. Vakawedzera vachiti, “Mari yavanoisa, imari yekuti titenge zvimusoro zvezvitima zvitsva uye kuti tigadzirise njanji painenge yakafa.”

VaMavhima vakati hurumende inotsvaga vanhu vane chido chokuita mabhizimisi muZimbabwe kuti ishande navo mukusimudzira zvehupfumi hwenyika.

NRZ inonzi ine chikwereti chinosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe chiri kupa kuti makambani akawanda arambe kushanda nayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG