Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vanofira Mumba Mushure Mekupisirwa Imba muKethlehong muJohannesburg?


South Africa Unrest
South Africa Unrest

Zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvinonzi zvafa neChina mushure mekupisirwa mudzimba mumusha weMandela Squatter Camp iri Kethlehong kumabvazuva kweguta reJohannesburg kuSouth Africa.

Vaona izvi zvichitika vanoti havazivi kuti mitumbi yavo yatakurwa nemapurisa here kana kuti kwete, uye vanoti vamwe vacho vapiswa vakasara vave madota mumhirizhonga iri kuenderera mberi munzvimbo dzakatenderedza guta reJohannesburg, dzakaita seHolomisa, Thokoza, Kethlegong neMandela Squatter camps.

Mumwe mudzimai ane ruzivo nezviri kuitika, Amai Plaxedes Chakadya, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvokuti vari musangano vakahwanda zvichitevera kutiza kwavakaita imba yavo muKethlegong.

Amai Chakadya vanoti havazivi mazita evanhu kana hama dzevafa ava, asi vazvionera nemaziso avo zvichiitika.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaAlois Nyamuranga, vatiwo vane ruzivo rwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zvapindirwa mumba, zvikapiswa pamwe nenhumbi dzavo dzinosanganisira motokari.

VaNyamuranga vatiwo mapurisa hapana zvaari kuita kubatsira vanhu vari kurwiswa.

Munzvimbo idzi, vanhu vakawanda vasiri zvizvarwa zveSouth Africa vapihwa maawa maviri kuti vadzokere kunyika dzavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Mumwe mugari wemuRustanburg, VaTawanda Doise, vanoti kunyange hazvo munzvimbo yavanogara muchine runyararo, kune mhuri dzeZimbabwe mbiri dzinogara munzvimbo iyi, dzakakuvara dzashanya muguta reJohannesburg nemusi weChitatu

Zvichakadaro, mutungamiri webato rinopikisa hurumende muSouth Africa, reInkata Freedom Party, VaMangosuthu Buthelezi, vakakurudzira nemusi weChitatu kuti paitwe musangano wechimbi chimbi weparamende, wekuzeya nyaya yemhirizhonga iyi.

Mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa panguva iyo vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kuita musangano we World Economic Forum on Africa ku Cape Town kuSouth Africa kwakare.

Nyika nhatu dzinoti Rwanda, Malawi neDemocratic Republic of Congo, dzakati hadzisi kupinda mumusangano uyu nepamusana pemhirizhonga iri kubata zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakaudza musangano wekuCape Town kuti hurumende yakazvipira kupedza mhirizhonga iri kuitika munyika mavo.

Mapurisa emuSouth Africa anoti kune vanhu gumi nevaviri vafa munhirizhonga, kunyange hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kuti huwandu hwevanhu vafa kusvika pari zvinhu hunodarika huwandu huri kuziviswa nehurumende.

South Africa, pasi pezvisungo zvegwaro reAfrican Charter on HUman and Peoples' Rights, inosungirwa kuchengetedza kodzero dzemunhu wese ari munyika iyi, zvisineyi kuti anobva kunyika ipi.

Zimbabwe inoti haina zvainogona kuita kuchengetedza zvizvarwa zvayo zviri muSouth Africa, kunze kwekukurudzira hurumende yenyika iyi kuti iremekedze mitemo yepasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG