Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matatu eMDC Anomiswa Mudare Ari Muchipatara


TORTURED MDC ACTIVISTS
TORTURED MDC ACTIVISTS

Madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, ayo akasungwa zviri pamutemo nemusi weChipiri, amiswa mudare rechimbi chimbi ragadzwa nehurumende muchipatara cheParktown chiri kurapirwa madzimai aya.

Madzimai matatu anoti mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vamiswa pamberi pemutongi wedare, Amai Barbara Mateko, vachipomerwa mhosva yekuratidzira zvisina mvumo panguva iyo nyika iri muNational Lockdown.

Vachuchisi vehurumende vaudza Amai Mateko kuti vatatu ava vanofanirwa kuomeserwa sezvo vakatyora mutemo, nokudaro vanofanirwa kuzviisa kumapurisa katatu pasvondo, uye kuti munhu mumwe chete abvisiswe mari yechibatiso inoita zviuru zviviri zvemadhora emaRTGS pamunhu.

Mutongi wedare, Amai Mateko vati vachazeya zvasvitswa mudare nemativi ose vozopa mutongo wavo mangwana.

Sangano remagweta ari kumirira vasungwa ava, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti dare richapa mutongo waro mangwana wekuti vatatu ava vobhadhariswa marii semari yechibatiso.

Zvichakadaro, hama dzevasungwa vatatu ava dzinoti dziri kurwadzikana zvikuru nekusungwa kwakaitwa vatatu ava nezuro pasati pasungwa vanhu vakavatocha.

Amai Kudzai Chiwanza, vanova amai vaMuzvare Mamombe, vaudza Studio7 kuti zvinovatambudza zvakanyanya kuti mapurisa ayo anofanirwa kuchengetedza vanhu, ari kuenderera mberi nekushungurudza mwana wavo pachinzvimbo chekuti atsvake nhubu dzakapamba vatatu ava.

Amai Chiwanza vatiwo kubvira nezuro pakaziviswa nemapurisa kuti vatatu ava vava muhusungwa, pachipatara pavari kurapwa pave kuchengetedzwa kwakanyanya izvo zvoita kuti vakumbire mvumo kumapurisa kuti vaone madzimai matatu aya.

Baba vaMuzvare Chimbiri, VaHenry Chimbiri, vatiwo mhuri yavo iri kutambudzika nekurwadziwa zvakanyanya kuti mapurisa akakoshesa kusunga vatatu ava vachiri kurwara vachisiya kutsvaka vakavapamba pamwe nekuvashungurudza.

VaChimbiri vatiwo mwana wavo ari kuchengetedzwa nemapurisa ane pfuti.

Mumwe kanzura weMDC muHarare, VaDenford Ngadziore, vanova sahwira wevatatu ava, vatiwo yanga iri tarisiro yavo yekuti mapurisa atange atsvaga kuti vatatu ava vakakuvadzwa nani vasati vavasunga.

VaNgadziore vati zvinoshamisa kuti vatatu ava vachiri varwere, vavakutomiswa pamber pematare edzimhosva.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati zviri kuitika izvi zvinovhundutsa nekuti vanhu vakatyorerwa kodzero dzavo zvakanyanya kudai, ndivo zvakare vvava kusungwa nemapurisa.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, sangano reri kubatsira nemagweta ari kumirira vatatu ava, VaKumbirai Mafunda, vati vari kushamiswa zvikuru nemaitiro ehurumende iyo yamhanyira kusunga madzimai matatu aya, iyo hurumende isati yasunga vanhu vakatocha nhengo dzeMDC idzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi remapurisa kuti vave papi nekuferefeta nyaya yekupambwa kunonzi kwakaitwa vatatu ava sezvo mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi, vanga vasiri

Mumusangano waraita nevatori venhau, bato reZanu PF razivisawo kuti kunyange hazvo riri kushora zvakanyanya kupambwa kwevanhu nekushungurudzwa, riri kukatyamadzwa nemaitikiro akaita nyaya yekupambwa kwemadzimai aya.

Vachitaura pamusangano uyu, munyori wezvemari muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vatiwo kupambwa kwevatatu ava kunogona kunge kwakaitwa neMDC ichidakusvibisa hurumende yeZanu PF.

Muzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova vakasungwa nemapurisa musi wa 13 Chivabvu mushure mekuratidzira kuWarren Park izvo zvakanzi chaive chokwadi nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi.

Asi mapurisa akazoti akanga asingazive kwaive nemadzimai aya mushure mekunge pabuda mashoko ekuti vatatu ava vakanga vachitochwa nevanhu vainge vakavachengetedza.

Vakazosiyiwa vakandwa pane imwe nzvimbo iri kuBindura vachiratidza kuti vanhu ava vakarohwa zvakaipisisa munguva yavainge vakapambwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG