Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matatu eMDC Anobvisiswa ZW$1000 paMunhu seMari yeChibatiso


TORTURED MDC ACTIVISTS

Nhengo dzenhatu dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzinoti mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vabvisiswa nedare redzimhosva mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora emuZimbabwe pamunhu kuitira kuti vatongwe nyaya yavo vachibva kudzimba dzavo.

Vachipa mutongo wavo mudare pachikumbiro chakapihwa kudare iri nemusi weChitatu nemagweta emadzimai matatu aya, mutongi wedare, Amai Barbra Mateko, vati vatatu ava vanofanirwa kubhadhara mari inoita chiuru chemadhora pamunhu kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo, uye vasiri muhusungwa.

Amai Mateko vatiwo vatatu ava vanofanirwa kunozviratidza kumapurisa ari
pedyo navo kamwechete pamasvondo maviri uye kuti vagare pavakanyoresa
kuti ndipo pavanogara.

Mutauriri wesangano remagweta ari kumiririra vatatu ava reZimbabwe
Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 parunhare kuti vafara nekupihwa kwaitwa madzimai aya mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati sebato
vari kushushikana zvikuru kuti hurumende iri kumhanyira kuda kunzwa
nyaya yekuratidzira kwainoti kwakaitwa nemadzimai aya asi ichisiya nyaya
yakakosha yekupambwa nekubhinywa kwakaitwa nhengo dzebato ravo.

VaTamborinyoka vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ingadai ichinyara nekushungurudza kwairi kuita madzimai aya izvo vati zvinhu zvinonyadzisa zvakanyanya nepasi rose.

Asi hurumende inoti haisi kuziva zvakaitika kumadzimai aya pavakapambwa, uye iri kuferefeta kuti chii chaizvo chakaitika kubva musi 13 Chivabvu kusvika musi wa 15 Chivabvu wavakazowanikwa vari kuBindura.

Asi vamwe vanoti hurumende haingati hapana zvainoziva sezvo munhu kuti above muHarare achienda kuBindura, achifanirwa kupfuura nepa road block inenge iine mapurisa, ayo anoda kuona mvumo yekuti munhu abvumidzwa kufamba pasi pemitemo yeNational Lockdown.

Zvichakadai, mapurisa afuma akazara mudhorobha reChinhoyi achidzosera kumba vose vanga vasina matsamba anovapa bvumo yekwavari kuenda.

Kunyange mabhazi eZUPCO anga asiri kutakura munhu asina tsamba inomupa mvumo yekufamba.

Mumwe mugari wemuRusununguko muChinhoyi, VaShame Chidzonga, vati havasi kufara nezviri kuitwa nemapurisa zvekubvunza matsamba ivo vachienda kunotenga zvekudya kunyange mumarukisheni.

Mapurisa anonzi anga akazarawo mumaguta anoti Karoi, Kadoma, Harare
neMasvingo vachidzosera kumba vose vange vasina matsamba ekufambisa.

KwaMutare mapurisa aya anonzi anga achifamba mumigwagwa nemauto, uye mabhazi eZupco anga ari mashoma zvikuru.

Mutauriri wemapurisa munyika, VaPaul Nyathi, havana kukwanisa kutipa divi remapurisa sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG