Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vanoti Ndivo Vari paNyanga Mubato reMDC, Kwete VaChamisa


Dr. Thokozani Khupe
Dr. Thokozani Khupe

Mutungamiri weMDC T, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti ndivo munhu ari pamutemo akafanobata chigaro chakasiiwa namuchakabvu, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera nechirwere chegomarara.

Muzvare Khupe vanoti mutongo wedare wakapihwa svondo rino naAmai Edith Mushore, ndiwo wavapa masimba ekuti vange vari panyanga, uye vari kukoka vamwe vavo vari kudivi raVaNelson Chamisa, kuti vabatane navo mukufambisa nyaya dzebato zviri pamutemo.

Vachipa mutongo wavo svondo rino, Amai Mushore vakati kudomwa kwakaitwa VaChamisa naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vaVaTsvangirai kwakange kusiri pamutemo.

Amai Mushore vakatiwo zvose zvakaitwa mubato zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai hazvisi pamutemo, uye munhu anofanirwa kunge akabata matomu, munhu akasarudzwa semutevedzeri wemutungamiri webato pakongiresi yakaitwa muna 2014.

Muzvare Khupe vanoti magweta avo atove mubasa rekutaura nevekudivi raVaChamisa kuitira kuti vafambise bato zviri pamutemo.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaChamisa, VaJacob Mafume, vanoti havana nguva yekutaura nenhumwa dzaMuzvare Khupe nekuti Muzvare Khupe munhu ane bato rake.

Zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai muna Kurume gore rapera, pakaita kupikisana pahurungamiri hwebato pakati paVaChamisa, VaMudzuri naMuzvare Khupe.

VaChamisa vaimira nerekuti ndivo vakange vadomwa naVaTsvangirai kuti vatungamire bato apo vairwara, ukuwo VaMudzuri vachiti ndivo vakanga vasiiwa naVaTsvangirai vari pachigaro.

VaChamisa vakamira zvakare nerekuti musangano wechimbi chimbi weNational Council wakavadomawo kuti vatungamire bato.

Asi mutongo waAmai Mushore unoti izvi hazvina kuitwa nenzira inodiwa nebumbiro rebato iri.

Muzvare Khupe, avo vakaita kongiresi yavo mushure mekupatsanurana nevamwe vavo gore rapera, vanoti zvakakosha kuti varemekedze mutongo wematare nokuti ivo munhu anoremekedza bumbiro rebato ravo.

Muzvare Khupe vanoti dai mutemo wakatevedzerwa gore rapera, dai zvinhu zvisina kusvika pazviri pari zvino muMDC.

Asi VaMafume vanoti havasi kutambira mutongo waAmai Mushore, uye sebato, vari kuenderera mberi nekongiresi yavo mwedzi uno.

Ukuwo Muzvare Khupe vanoti semunhu anoremekedza mitemo yematare, vachaita sezvinodiwa nemutongo waAmai Mushore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG