Accessibility links

Breaking News

Muzvare Thokozani Khupe Vanoti Ndivo Vava Mutungamiri weMDC-T


Thokozani Khupe addressing a press conference in Bulawayo on Friday, 01/21/22. (Photo: Bathabile Masuku)

Muzvare Thokozani Khupe, avo vanga vari mutevedzeri wemutungamiri weMDCT, VaDouglas Mwonzora, vazivisa nhasi kuti bato ravo ratsemuka nepakati vachipomera VaMwonzora mhsova yekutyora bumbiro remitemo yebato iri.

Muzvare Khupe, avo vakambomiswa basa naVaMwonzora kuti vaferefetwe pamhosva dzavari kupomerwa, vaudza vatori venhau paMzilikazi Hall muguta reBulawayo kuti ndivo vave mutungamiri webato rinopikisa muparamende sezvo VaMwonzora vakazvidzinga voga mubato mushure mekunyorera kwavakaita komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, vachiti sebato vachapinda musarudzo dzema by-elections vachishandisa zita rekuti MDC Alliance iro riri kushandiswa naVaNelson Chamisa.

Muzvare Khupe vatiwo VaMwonzora havasi kutevedzera bumbiro remitemo kubva pakaitwa kongiresi yechimbichimbi yekutsvaga munhu anotsiva vaimbove mutungamiri webato iri, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Muzvare Khupe vati kongiresi iyi yakaitwa pachishandiswa mhirizhonga uye yakanga iine vanhu vashomanana kudarika zvinotarisirwa mubimbiro ravo remitemo saka nokudaro havacherechedzi kusarudzwa kwaVaMwoznora.

Vatiwo kongiresi yeMDCT, iyo iri kutarisirwa kuitwa musi waKurume 5 gore rino, iri kurongwa zviri kunze kwemutemo vachiti vanhu vakawanda vari kubviswa muzvigaro zvavo naVaMwonzora.

Vatiwo VaMwonzora havasi kutevedzera zviri mubumbiro remitemo pakuumba makomiti ebato ravo pamberi pekongiresi iyi sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato ravo.

Muzvare Khupe vatiwo izvi zvave kureva kuti pave nemaMDC-T maviri.

Asi mutauriri weMDCT, Witness Dube, vati zvataurwa naMuzvare Khupe ndezvemugotsi matsuro sezvo Muzvare Khupe vakambomiswa basa.

VaDube vati kubva pakaitwa kongiresi yavo yechimbichimbi muna Zvita 2020 Muzvare Khupe havana kumbobvira vashandira bato uye danho ravatora raratidza kuti havachadi zvemusangano wavo saka nokudaro vazvidzinga vega mubato.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati hapana chinoshamisa pakutsemuka kwaita bato iri nepakati vachiti simba rehove riri mumvura kwete kumatare ayo akapa bato iri masimba zvichitevera mutongo weSupreme Court uyo wakati VaNelson Chamisa vakanga vasina kusarudzwa zviri pachena kuti vatsive VaTsvangirai.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzatataura nadzo dzati zvataurwa naMuzvare Khupe zvinogona kuita kuti VaMwonzora vadzingwe muparamende naMuzvare Khupe.

Asi dzimwewo nyanzvi dzati izvi zvinogona kunetsa sezvo tsamba dzekudzinga vanhu muparamende dzichinyorwa nemunyori mukuru webato iri, Amai Paurina Mpariwa, avo vanonzi vari kutsigira VaMwonzora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG