Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoronga Kusarudza Mutevedzeri waMeya weChitungwiza


Chitungwiza

Bato reMDC Alliance rinoti richaenderera mberi nekusarudza mutevedzeri wameya weChitungwiza richiti kudomwa kwemutevedzeri wameya kwakaitwa negurukota rematunhu, VaJuly Moyo, hakusi pamutemo.

VaMoyo vakadoma nhengo yeZanu PF, VaKiven Mutimbanyoka, semutevedzeri wameya kutanga kwesvondo rino uye meya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vakatozivisa makanzura ese edhorobha iri nezvedanho iri.

Asi munyori anoona nezvematunhu muMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa naVaMoyo zviri kunze kwemutemo vachiti makanzura ndiwo achagara pasi achisarudza mutevedzeri wameya.

Asi VaMoyo vakati kanzuru yeChitungwiza yainge yatadza kusarudza mutevedzeri wameya mukati menguva inotarisirwa kuita izvi ndosaka vakadoma VaMutimbanyoka vachishandisa mitemo yenyika inovapa simba rekuita izvi.

Mukuru weChitungwiza Residents Trusts, Muzvare Alice Dian Kuvheya, vaudza Studio 7 kuti vakashamiswa nzvikuru nemaitiro aVaMoyo.

Asi mukuru wesangano reHarare Metropolitan Residents Forum, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7kutikanzuru yeChitungwiza yakatadza kuita basa rayo vachiti ingadai yakasarudza mutevedzeri wameya gore rapfuura zvichitevera kudzingwa kwevaive mutevedzeri wameya nemamwe makanzuru.

Kunyange hazvo mutevedzeri wameya akadzingwa basa musi wa4 Mbudzi gore rapfuura, munyori weChitungwiza akazivisa kuti chinzvimbo ichi chakange chisisina munhu musi wa18 Nyamavhuvhu nekudaro kanzuru ine mazuva makumi matatu kubva musi uyu kuti isarudze munhu anotora chnzvimbo izvi.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMoyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Pari zvino kanzuru yeChitungiwza ine makanzura makumi maviri, gumi nematanhatu eMDC Alliance nemana eZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG