Accessibility links

Breaking News

Muchakabvu Tsvangirai Vorangarirwa neMDC


Tsvangirai Power Sharing
Tsvangirai Power Sharing

MDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa yakaita musangano neChitatu muHarare wekurangarira mutungamiri wekutanga webato iri, mushakabvu Morgan Richard Tsvangirai, avo vakashaya makore maviri apfuura.

Bato reMDC rakaitawo misangano yakadai yekurangarira VaTsvangirai mumatunhu akasiyanasiyana emunyika, kusanganisira kwaMutoko kuMashonaland East neBindura kuMashonaland Central, uko VaChamisa vakanotaura vatsigiri vebato iri.

Musangano wemuHarare uyu unonzi wakapindwa nenhengo dzeZimbabwe Congress of Trade Unions, vemasangano akazvimirira, pamwe nevamwe vamiriri vemizinda yedzimwe nyika.

VaChamisa ndemumwe wevanhu vakataura pamusangano uyu.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti VaChamisa vari kusimudzira pakasiirwa basa naVaTsvangirai, uye chido chavo ndechekuti vanhu vawane mabasa, runyararo munyika yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG