Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaMugabe Yokurudzira VaMnangagwa Kuti Vaone Kuti Mutumbi waVaMugabe Haufukunyurwe


Mugabe Zvimba Leo Mugabe.
Mugabe Zvimba Leo Mugabe.

Mhuri yevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe, inoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuzivisa nyika yose kuti vachazadzisa zvavakavimbisa kuti VaMugabe varadzikwe kunodiwa nemhuri yavo uye mutumbi wavo hausi kuzofukunyurwa sezvakatarwa nematare nezuro.

Mutauriri wemhuri uye vari muzukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vanofanirwa kuzivisa nyika nepasi rose kuti vacharemekedza zvido zvemhuri yaVaMugabe zvekuvaviga kumusha kwavo uye kuti havasi kuzovafukunyura sezvavakambovimbisa.

Izvi zvinotevera kuraswa kwechikumbiro chevana vaVaMugabe chekuti vasafukunyurwe nekunovigwa kumarinda anovigwa magamba kuHarare nedare ramejasitiriti muChinhoyi nezuro.

Vachipa mutongo wavo nezuro Muzvare Ruth Moyo vakarasa chikumbiro chevana vaVaMugabe vanoti; Bona Mugabe, Tinotenda Robert Jnr naBellaimine Mugabe chekuti dare rimise kufukunyurwa kwemutumbi wababa vavo sezvakanga zvatongwa naMambo Zvimba muna Chikumi.

Mumwe mugari wekwaZvimba, VaDonmore Gombe, vati vanoshamiswa nemitongo yematare yekuda kumanikidza kuti VaMugabe vafukunyurwe vachinovigwa kuHeroes Acre asi pasingataurwe zvevamwe vakaitwa magamba asi vakavigirwa kwaidiwa nehama dzavo saVaDumiso Dabengwa nevamwe.

Hatina kunzwa divi rehurumende kana raVaMnangagwa panyaya iyi sezvo mutauriri wehurumende uye vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kana mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vanga vasingadavire mbozhanhare dzavo.

Asi bazi rezvekuburitswa kwemashoko razivisa paTwitter kuti rakanzwa nezvemutongo wakaitwa kuChinhoyi uye hurumende kana mutungamiri wenyika havaneyi nezviri kuitika mumatare panyaya iyi.

Zvichakadaro, gweta revana vaVaMugabe, VaFungai Chinwamurombe, vati mushure mekutaura nevana vaVaMugabe vari kupikisa mutongo wamejasitiriti muChinhoyi nekukwidza nyaya iyi kudare repamusoro nemusi weMuvhuro.

VaMugabe vakashaikira kuSingapore muna Gunyana 2019 uko kwavaigara vachienda kunorapwa.

VaMugabe, avo vakatonga nyika kubva muna 1980, vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017, izvo zvakaona VaMnangagwa vachigadzwa semutungamiri wenyika vachitora chinzvimbo chaVaMugabe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG