Accessibility links

Breaking News

VaTsenengamu Vanoti Manyepo Kuti Vakakumbira Ruregerero kuZanu PF


Godfrey Tsenengamu

Mumwe wevechidiki vakambomiswa basa mu Zanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti manyepo ekuti vakakumbira ruregerero kubato ravo mushure mekumbomiswa kubata zvigaro muboka revechidiki zvichitevera kuburitsa kwavakaita mazita evamwe vanamuzvinabhizimusi vatatu vavanoti vari kuita zvehuwori munyika.

Bepanhau reChronicle neMuvhuro rakati vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vari kufadzwa nekuyaruka mupfungwa pamwe nekuzvipira kushandira musangano kwaVaTsenengamu nemumwe wavo, VaLewis Matutu, kunyange vaviri ava vakambomiswa kubata zvigaro kwemwedzi gumi nemiviri.

VaChinamasa vanonzi vakatiwo vaviri ava vave kuzoenda kuchikoro chinodzidzisa gwara remusangano weZanu PF, cheChitepo School of Ideology.

Asi VaTsenengamu vanoti chavakaita chete kusangana nevanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaVictor Matemadanda, vachivapawo divi renyaya yavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChinamasa panyaya iyi.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF panguva iyo hurumende yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, inoti icharwisa huori huri kuitika munyika.

Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kurwisa huori kuchanetsa zvikuru muZanu PF sezvo huori uhu huri kubatawo vamwe vakuru vakuru mubato iri.

Gore rapera, vechidiki vakadoma munyori wezvekufambiswa kwemabasa muzanu PF, VaObert Mpofu, semumwe wevakuru mubato vari kuita zvehuori.

Asi vechidiki ava havana kutorerwa matanho nebato ravo.

Rwendo rwuno, VaTsenengamu naVaMatutu vakadoma mukuru wekambani yeSakunda Holdings, VaKudakwashe Tagwirei; sachigaro veGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Masarara, pamwe nemukuru weGreen Fuels, VaBilly Rautenbach, sevana muzvinabhizinesi vanodyidzana nevakuru vakuru muZanu PF vari kuita zvehuori.

VaTagwirei, avo vanove chipangamazano chaVaMnangagwa, ndivo vari kufambisa chirongwa chehurumende cheCommand Agriculture, ichi chinonzi hachina kufambiswa zvakajeka zvakapa kuti hurumende irasikirwe nemari inodarika mabhiriyoni matatu emadhora ekuAmerica.

Komiti yeparamende inoona nezvebhajeti nekufambiswa kwemari yehurumende yakaratidza kushushikana zvikuru gore rapera nekutsakatika kunonzi kwakaitika mari yakawanda zvakadai.

Izvi zvakaitika mushure mekunge munyori webazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko, pamwe nemukuru anoona nezvemari mubazi rekurima, VaPeter Mudzamiri, vaudza komiti yeparamende iyi, iyo ina VaTendai Biti sasachigaro, kuti mari yakaburitswa muongororo yakaitwa naAuditor General, haina kumboiswa muhomwe yebazi rezvekurima.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG