Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inoita Hurukuro neVagari kuChipinge South


Checheche Townhall, Chipinge
Checheche Townhall, Chipinge

Vagari vekuChecheche kuChipinge vanoti kusagadzirwa kwemugwagwa unobva kuTanganda uchienda kuChiredzi kwave kukonzera njodzi dzakawanda pamwe nezvirwere sezvo kuchigara kuine guruva rinokonzerwa nemarori mazuva ose.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neStudio7 vagari vepaChecheche Growth, vanhu ava vanoti mugwagwa uyu waparara uye dambudziko rakatanga apo hurumende yakati marori anotakura zvinhu zvinorema matani anodarika makumi mashanu kana kudarika hachabvumidzwa kudarika paBirchnough Bridge.

Vati marori ese anobva kuSouth Africa achienda kwaMutare neMozambique ave kushandisa mugwagwa uyo usisina tara.

Vati kambani yeGreenFuels, iyo ine chigayo chemagetsi munzvimbo iyi, ndiyo imwe iri kuweredzera kuparadza mugwagwa nemarori ayo anotakura nzimbe nezvimwe munzvimbo iyi mazuva ose.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Amai Clemence Dube, vati vazhinji munzvimbo iyi vave kurwara nekuguruva rinosimudzwa nemagonyeti mumugwagwa uyu.

Muzvinabhizimisi, VaPatrcick Makonzo, avo vanotenga zvinhu zvavo kwaMutare kana kuChiredzi, vati vanogara vachisangana nenjodzi mumugwagwa uyu nekuda kwekuti hauna tara.

VaMakonzo vatiwo hurumende haina hany’a nekugadzirisa mugwagwa uyu uye vanoona sekuti kambani yeGreenFuels, iyo inemagonyeti anofamba mumugwagwa uyu, inofanira kudzirisawo mugwagwa uyu.

Vamwewo vataura pamamusangano uyu vatiwo vanoona sekuti kambani yeGreeFuels inofanira kugadzirisa mugwagwa uyu sezvinoita mamwe makambani akaita seTongaat Hullets iyo inogadzirisa migwagwa munzvimbo dzainoshandira zvakaita Hippo Valley neTriangle.

Kanzura wenzvimbo iyi, Amai Wishes Hama, veMDC Alliance vati kunyange hazvo kanzuru ichaedza kugadzirisa mugwagwa uyu, makambani akaita seGreenFuels anofanira kubatsira kugadzirisa mugwagwa uyu.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati kubvira pakutanga kwegore rino paita tsaona dzinodarika makumi manomwe uye pakafa vanhu vanodarika gumi nekuda kwekusamira zvakanaka kwemugwagwa uyu.

VaMadhuku vayambira makunzura nenhengo dzeparamende dzemunzvimbo iyi kuti vanogona kubviswa pamabasa kana vakasagadzirisa nyaya iyi.

VaMadhuku vati mumiriri weChipinge South, VaEnock Porusingazi, vainge vavimbisa kuti mugwagwa uyu unenge wagadzirwa kusvika panguva ino asi izvi hazvisati zvaitika.

Hatina kukwanisa kubata VaPorusingazi pamwe neGreenFuels kuti tinzwe mativi avo.

Musangano uyu ndewekutanga kuitwa kumaruwa Studio7 yakabatana neMedia Center.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG