Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weStudio7, Nunurai Jena, Omiswa Mudare neChishanu


Nunurai Jena (l) arrested and (r) lawyer Kudzai Shoko

Mutori wenhau weStudio7, Nunurai Jena, asungwa neChina muChinhoyi apo ange achiita basa rake semutori wenhau panguva iyo vanhu vari kunzi vagare mudzimba.

Asi hurumende yakazivisa kuti vatori venhau vachange vachibvumidzwa kuita basa ravo, kunyange hazvo vachange vachishandisa makadhi avakapihwa gore rapera.

Gweta ra Jena, VaKudzai Choga, vanoti Jena atanga kusungirwa nyaya yekuti ari kushandisa kadhi regore rapera. Asi vati nyaya iyi yazochinjwa ava kupomerwa mhosva ye disorderly conduct.

Asi jena ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa munyika, Va Paul Nyati, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi mumashoko atumirwa neZimbabwe Republic Police paTwitter, mapurisa anoti Jena asungirwa nyaya isineyi nechitambi chake chemutori wenhau, asi kuti asungirwa imwe nyaya, iyo aziviswa pamwe negweta rake.

Asi VaChoga vanoti Jena aiswa mumaoko avo kuitira kuti azomiswa pamberi pedare neChishanu makare muChinhoyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG