Accessibility links

Breaking News

Vane Marezenisi Okutengesa Zvinhu Mumigwagwa Vobatwa Zvisina Kunaka


Mapurisa Anodzinga Vatengesi Mumigwagwa
Mapurisa Anodzinga Vatengesi Mumigwagwa

Vanorarama nekutengesa mumigwagwa yemuHarare vanoti havasi kufara kuti kanzuru iri kuvabvisa munzvimbo dzavari kutengesera kunyange hazvo vaine magwaro anovabvumidza kutengesa.

Vamwe vanotengesera pakati pedhorobha reHarare uye vaine magwaro avakapihwa nekanzuru anovabvumidza kushandira pavari kushandira, Amai Letwin Nyadzayo, vanoti vatorerwa zvinhu zvavo nemapurisa pamwe nevashandi vekanzuru vakasiyiwa vasina chekubata.

Amai Nyadzayo vati vane magwaro anovabvumidza kutengesera pakati pedhorobha asi vari kungodzingwawo sezviri kuitwa vamwe vasina magwaro akadai.

Mumwe anotengesera paCopaCabana, VaChencellor Musinami, vatiwo hurumende inofanira kuwanira vanhu mabasa kwete kusweromhanyisana nekugadzirisa dambudziko risiriro.

Mumwe anoraramisa mhuri nekutengesa mumigwagwa, VaDennis Munava, vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika kuitira kuti veruzhinji vasaende kunotengesera mumigwagwa

Vanhu vanotengesesra mumigwagwa vari kudzingwa zvichetevera kurudziro yakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, masvondo maviri adarika vachiti vanotengesera mumigwagwa vari kusvibisa dhorobha reHarare.

Kanzuru yeHarare inoti vanhu vanofanira kutengesera munzvimbo dzakatarwa kuitira kuti kanzuru igowanawo mari pamitero.

Hatina kukwanisa kutaura naMeya weHarare, VaBenard Manyenyeni, kana mutauriri wekanzuru,VaMichael Chideme, kuti tinzwe kuti sei vane marezenisi ekutengesa mumigwagwa vari kudzingwa nekutorerwa zvinhu zvavo ivo vaine magwaro ebasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG