Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoferefeta Kanzuru yeMarondera Iri Kutongwa neMDC


MDC Logo
MDC Logo

Komiti yakaumbwa negurukota rezvematunhu, Va July Moyo, kuitira kuti iferefeta huori hunonzi huri kuitwa nemakanzura eguta reMarondera, yakatanga kuita basa rayo nemusi weMuvhuro.

Komiti iyi yakatambirwa zviri pamutemo muguta iri nameya weguta reMarondera, VaChengetai Murova.

Komiti iyi iri kutarisirwa kupedza basa rayo rekuferefeta makanzura eMarondera nemusi weChishanu.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi rebazi ravo panyaya iyi, asi mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, vakaudza Studio7 pakabuda runyerekupe rwekuti hurumende iri kuronga kuferefeta makanzura eMarondera kuti komiti iyi yakaumbwa mushure mekunge vagari vekuMarondera vanyorera bazi ravo vachigunun’una nehuori hwavanoti huri kuitwa mukanzuru yeguta guru redunhu reMashonaland East.

Amai Chombo vakatiwo hachisi chokwadi kuti hurumende yeZanu PF yakanangana nekuda kubvisa makanzura eMDC anotonga maguta ose ari munyika.

Asi VaMurova vanoti kunyange hazvo kanzuru yavo isina huori hwairi kuita, chinovanetsa ndechekuti hurumende inongoda kuferefeta chete makanzuru ari pasi peMDC.

VaMurova vanoti vachashanda nekomiti iyi sezvinodiwa nemutemo sezvo kanzuru yavo isina zvairi kuvanza.

Munyori wezvekutongwa kwematunhu muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Engineer Elias Mudzuri, vanoti hurumende haina kuvazivisa nezvekuda kwayo kuferefeta kanzuru iri pasi peMDC.

VaMudzuri vanoti havana chivimbo chekuti hurumende iri kuita izvi mune rakanaka sezvo iri garoziva kuti hurumende yeZanu PF yagara ichibvongodza pamwe nekupindira mumashandiro akanaka anenge achiitwa nebato ravo.

VaMudzuri, avo vakava meya weMDC wekutanga muguta reHarare, vanoti kana hurumende iri kufungidzira kuti makanzuru eMDC ari kuita zvehuori, inofanirwa kusiya Zimbabwe Anti Corruption Commission, Zaac, ichiita basa rayo rekuferefeta huroyi pamwe nekusunga vanenge vabatwa nemhosva.

“Zaac ndizvo zvayakaummbirwa kuti isunge vanoita zvehuori, saka handioni chinangwa chekuumbira komiti yekuti iferefete kanzuru iri pasi peMDC. Hazviratidzi zvakanaka kuti rimwe bato riti riri kuongorora rimwe bato,” vadaro VaMudzuri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG