Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoshorwa Nekuda Kupa Zimbabwe Zvombo Zvekurwisa Vanoratidzira


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Lindiwe Sisulu, vakazivisa nemusi weChipiri kuti hurumende yavo iri kuronga kubatsira mapurisa ezimbabwe kuburikidza nekuapa zvombo zvisingauraye zvekushandisa mukuparadza vanhu vanenge vachiratidzira.

Bepanhau reDaily Maverick rinoti Amai Sisulu vakaudza vatori venhau kuti zvombo zvisingauraye zvinobatsira kuderedza kudeurwa kweropa munguva dzekusagadzikana kwezvinhu.

Bepanhau iri rinoti Amai Sisulu vakati dambudziko reZimbabwe nderekuti mapurisa haana zvekushandisa zvinokodzera mukudzivirira mhirizhonga nekudaro ari kuzopedzisira apa basa iri kumauto, ayo anongoshandisa mabara mukudzivirira mhirizhonga kana kuratidzira. Studio 7 haina kukwanisa kubata Amai Sisulu panyaya iyi.

Takundikanawo kubata mutauriri webazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana, sezvo nhare yavo yanga isingadairwi. Vanorwira kodzero dzevanhu, uye vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti dambudziko remuZimbabwe harisi rezvombo zvekushandisa, asi kuti ndere hutungamiri hunoremekedza kodzero dzevanhu.

Huukuro naVaFarai Maguwu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG