Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Vanoti Hapasati Pave neHurongwa hweKukweretesa Zimbabwe Mari


UMongameli Cyril Ramaphosa loMongameli Emmerson Mnangagwa
UMongameli Cyril Ramaphosa loMongameli Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri we South Africa, Va Cyril Ramaphosa, vanoti hurumende yavo haisi kuzopa izvozvi Zimbabwe rubatsiro rwemari kudzamara nhaurirano pakati pehurumende yavo neyaVa Emmerson Mnangagwa, dzapera.

Danho iri rinonzi rasiya hurumende yaVaMnangagwa isina kumira zvakanaka, sezvo pange paine tarisiro huru yekuti South Africa ichabatsira Zimbabwe nemari, panguva iyo hurumende yeZanu PF iri kutatarika munyaya dzemari.

VaRamaphosa, avo vakatarisanawo nematambudziko munyaya dzehupfumi munyika mavo, vakaudza vatori venhau neChipiri kuti hapana hurongwa hwati hwavapo hwekukweretesa Zimbabwe.

Asi vakabvuma kuti nyaya iyi yakataurwa zvakadzama mumisangano yavaipinda vari muZimbabwe.

VaRamaphosa vakapinda muZimbabwe neMuvhuro kuzoita musangano weBi-National Commssion nemumwe wavo, VaMnangagwa.

VaRamaphosa vaiperekedzwa nemakurukota avo matanhatu anomirira mapazi akasiyana siyana.

Asi South Africa inonzi yakakwanisa kubatsira Zimbabwe nemari yekushandisa mukudzidzisa mapurisa pamwe nekutenga mbatya dzekuzvidzivirira munguva yemvonga mupopoto sekurudziro yakaitwa neMotlanthe Commission iyo yakaongorora mhirizhonga yakaitika munyika muna Chikunguru gore rapera.

Hazvina kujeka kuti Zimbabwe yakapihwa uri musvo wemari ye 55 million Rands here kana kuti kwete. Rubatsiro urwu hachisi chikwereti.

South Africa yakapawo Zimbabwe zvikwanisiro munyaya dzehutano nezvimwe serubatsiro.

Gore rapera, Zimbabwe yakakumbira chikwereti che 1,2 billion Rands, asi South Africa haina kukwanisa kupa Zimbabwe mari iyi.

Pamusangano weBi National Commission muHarare, South Africa neZimbabwe dzakapedzisa kunyorerana zvibvumirano makumi mana nezvishanu zvakanga zvava nenguva zvisati zvasainiranwa.

VaChitaura vasati vasimuka muZimbabwe, VaRamaphosa vakati hukama hweZimbabwe nenyika yavo hucharamba hwakasimba, uye vakabuda pachena kuti vanotsigira nemazvo kusarudzwa kwaVaMnangagwa gore rapera.

Vakatiwo zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaMnangagwa zviri kuvhiringa zvikuru budiriro muZimbabwe, nokudaro zvinofanirwa kubviswa.

Asi MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haicherechedzi VaMnangagwa semutungamiri akasarudzwa neruzhinji rwevanhu ichiti mutungamiri weZanu PF uyu akabiridzira sarudzo gore rapera.

Asi Zanu PF inoti VaMnangagwa vakasarudzwa zvine mutsindo, uye vakatambirwa nedare reConstitutional Court kuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika mushure mekunge MDC yapikisa zvakanga zvaburitswa neZimbabwe Electoral Commission.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya yayo yekuda kukwereteswa mari neSouth Africa, sezvo tisina kukwanisa kubata munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana.

Asi nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika yakazvimirira, uye ichigara muAmerica, VaTakawira Kapikinyu, vanoti gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe, rinogona kuva riri iro rakakonzera kuti South Africa iomerwe nekweretesa Zimbabwe mari.

VaKapikinyu vanoti sezvo Zimbabwe iri kukundikana kubhadhara zvikwereti zvayo, izvi zvinogonawo kunge zvakapawo kuti South Africa isave nechivimbo chekukweretesa Zimbabwe mari.

Panyaya dzezvirango, VaKapikinyu vanoti VaRamaphosa munhu ari kutaura pamire SADC neAfrican Union, nokudaro havangataure zvinopesana nemasangano aya sezvo nyika yavo iri nhengo yemasangano maviri aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG