South Africa inoti yava kubvisa zvinhu zvanga zvichishandiswa nezvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru zviviri nemazana mashanu, izvo zvakanga zvatiza zvichitya kurohwa kana kuurayiwa nezvizvarwa zve mu South Africa mwedzi wapera.
Hurumende yeSouth Africa, kuburikidza ne kanzuru ye De Doorns, iyo yanga ichipa vapoteri ava pekugara, mvura, pamwe nechikafu, inoti zvizvarwa zve Zimbabwe izvi ngazvichidzokera kunogara mumisha mune vamwe, kuitira kuti vatange kugarisana zvakanaka.
Izvi zvashoropodza zvikuru nesangano re Zimbabwe Exiles Forum, iro rinoti kurwisana kwemarudzi kunogona kutanga zvakare.
Executive Director ve Zimbabwe Exiles Forum, Va Gabriel Shumba, vanoti zvinoshamisa kuti vanhu vari panguva yakaoma vava kudzoserwa mumukanwa meshumba.
Muzvare Norah Tinashe ndivo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re Global Forum Zimbabwe mu South Africa. Muzvare Tinashe vati sangano ravo riri kushungurudzika nezvingangoitika kuzvizvarwa zve Zimbabwe zvikamanikidzwa kudzokera kwazvakatiza, sezvo pasina hurongwa hwakanyatsojeka hunenge huchichengetedza kodzero dzevanhu ava.