Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti MDC Haisati Yaipira Nyaya yeKuti SADC Ikokere Musangano weChimbi Chimbi


Chipangamazano chaVaZuma Muzvare Lindiwe Zulu vaudza vanoti VaZuma vanozotora matanho kana vapirwa nyaya iyi zvine gwara.i

South Africa inoti haisati yapirwa zviri pamutemo chikumbiro cheMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai chekukumbira kuti SADC iite musangano wechimbi chimbi wekuzeya misariridzwa yeGlobal Political Agreement.

National Executive yeMDC yakabuda nechisungo neSvondo chekuti nekuda kwekunonoka kupera kwenhaurirano dziri kutungamirwa neSouth Africa yave kuda kuti SADC iite musangano wechimbi chimbi uchaunza vatungamiri venyika idzi vose pamwe chete.

Nyaya dzichiri kutemesa hurumende yemubatanidzwa musoro inyaya yekugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kugadzwa kwemagavhuna ematunhu uye nyaya yemuchuchusi mukuru wehurumende nagavhuna weRBZ vakagadzwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasina wavasuma sezvinodiwa neGPA.

Asi Chipangamazano chemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, muzvare Lindiwe Zulu vakaudza Studio Seven kuti havasati vanzwa kubva kuna VaTsvangirai. Vati izvi zvikaita ndipo pavachazoona kuti votora danho racho. VaZuma ndivo mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

VaDewa Mavhinga igweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch.

VaMavhinga vati MDC yakaita zvakanaka kutara zvinhu zvinofanira kugadziriswa nechimbi chimbi kuburikidza nemusangano wayo we National Council, zvikuru sei nyaya yekuti zvinhu zvibuditswe pachena munyaya dzemangoda ekwa Marange.

XS
SM
MD
LG