Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti Bumbiro Ngaripere Poitwa Hwaro hweSarudzo


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzatanga hurukuro dzakakosha dzekuumba hwaro hwesarudzo kana kuti "elections road map".

NeMuvhuro nhumwa dzaVaZuma dzakaita musangano nemasachigaro matatu eCOPAC anomiririra mapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Vatatu ava ndiVaDouglas Mwonzora veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaPaul Mangwana veZanu-PF, uye VaEdward Mukhosi weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube. Vatatu ava vatenda kuti vataura nezvehwaro hwesarudzo nezvimwe.

Nhumwa dzaVaZuma dzazoitawo hurukuro nevanotungamira hurukuro muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai manheru eMuvhuro.

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti wabata nyaya yemisariridzwa yeGPA uye hwaro hwesarudzo. VaWelshman Ncube, avo vave kutungamira chimwe chiokwata cheMDC vanoti vachasangana nenhumwa idzi neChipiri.

XS
SM
MD
LG