Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvawana mukana wekuongorora sarudzo dzaitwa munyika iyi.
Zvizvarwa zvenyika zvapinda musarudzo dzekutsvaga nhengo dzeparamende pamwe nevamiriri vematunhu, idzo dzinonzi nevamwe dzinogona kuona bato riri kutonga reAfrican National Congress, ANC, richikunda zvakare, asi kwete zvine mutsindo.
Chizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon “Sox” Chikowero nesangano ravo reGlobal Zimbabwe Forum, vanoti vafadzwa zvikuru nekufamba kwaita sarudzo idzi murunyararo munzvimbo dzekuvhotera gumi neshanu dzavanga vachiongorora.
VaChikowero vanoti kunyange hazvo vamwe vezvematongerwo enyika munguva yekutsvaga rutsigiro vainyomba zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kugara pamwe nekushanda muSouth Africa vachizvipomera mhosva dzakasiyanasiya, havaoni vabvakure vachizorwiswa kana sarudzo dzapera.
Mapato anopikisa anonzi angangotemesa musoro bato riri kutonga reANC anoti reEconomic Freedom Fighters,iro rinotungamirirwa naVaJulius Malema, pamwe neDemocratic Alliance, rinotungamirirwa naVaMmusi Maimane.
Mapato makumi mana nemasere akwikwidza musarudzo yeparamende, kuchitiwo makumi matatu nematanhatu achikwikwidza musarudzo yematunhu.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinodarika mamiriyoni matatu zvinonzi zviri muSouth Africa.
Zvichabuda musarudzo idzi zviri kutarisirwa kuziviswa kutanga nemusi weChina. Pasi pemutemo weSouth Africa, bato rinenge rakunda musarudzo yeparamende ndiro rinozosarudza mutungam iri wenyika.
Facebook Forum