Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagere muBotswana Vodududza paHurongwa hweKudzokera kuZimbabwe


Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana
Zimbabwe Youths in Francistown, Botswana

Vanhu vakawanda vekuZimbabwe vari muBotswana, avo vakanga vazvipira kudzokera kumusha vachibatsirwa nemari yekufambisa, vanoti vava kuodzwa moyo nemari yavari kunzi vabhadhare kana vachida kutakurwa nemabhazi vachinosiyiwa pamuganhu weZimbabwe neBotswana.

Mazana nemazana evanhu ava vanoti nepamusana pekuomerwa nehupenyu vari muBotswana, vakanga vazvipira havo kuti vadzokere kumusha zvichitevera kuvimbiswa kwavakanga vaudzwa vachinzi vachatakurwa nemabhazi.

Asi vanhu ava vanoti vakazosvibiswa moyo nemashoko akabva kumuzinda weZimbabwe ekuti vose vanoda kushandisa mabhazi, vachange vachibhadhariswa mazana matatu emapula emuBotswana, inova mari yakawanda kuvazhinji vavo sezvo vasiri kuita mabasa nepamusana pehutachiona hwe coronavirus, uho hunokonzera chirwere cheCovid-19

Gwaro rakaburitswa nezuro nemuzinda weZimbabwe muBotswana rinoti munhu anenge asina mari iri kudiwa iyi, haabvumidzwe kutakurwa nemabhazi, asi anoendeswa kumarhori asina masiti ekugara.

Marhori aya ndiwo anoshandiswa mukutakura vanhu vanoburitswa munyika iyi zvechisimba.

Vanhu ava vanenge vasina pekugara pakanaka kwemakiromita mazana manomwe nemakumi matanhatu, uye marhori aya haabvumidzwe kumira kudzamara asvika kuPlumtree, uko vanhu vanobva vaiswa mumaoko ehurumende yeZimbabwe.

Mumwe wevanhu vaoreswa moyo nehurongwa uhu, Muzvare Chathrine Chandaengerwa, vaudza Studio7 kuti hurongwa uhu hwaita kuti vanhu vakawanda vasarudze zvavo kuramba vari muBotswana vachishupika, pane kuomeserwa pakudzokera kwavo kumusha.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudhorobha reFrancistown muBotswana, Amai Letwin Poroza, vanoti vanhu vakawanda vari muBotswana vari kurwara, uye havana mari yekuti vashandise mabhazi ane pekugara pakanaka, nekudaro zvinovaomera kuti vatakurwe nemarhori kwenzendo yakareba zvakadai vasina pekugara pakanaka.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatsiraishe Mukonoweshuro, sezvo vasiri pabasa mushure mekushaikirwa nemwana vavo, ukuwo mutevedzeri vavo, Amai Margret Ruparanganda, vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Kunyange hazvo vamwe vasisiri kufara nehurongwa uhu, kubva mwedzi wapera kusvika pari zvinhu, vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete, vatakurwa nemabhazi vachinosiyiwa kuPlumtree, uye vanhu vanodarika chiuru nemazana manomwe, vatakurwa nemarhori asina pekugara, vamwe vavo vachiita zvekumanikidzwa kubuda muBotswana.

Vanhu vari kubva kuBotswana vanosvikira paPlumtree, vachigariswa paPlumtree High School, vozoendeswa kunogariswa paUnited College of Education ne Bulawayo Polytechnic muguta reBulawayo.

Pasi pemutemo mutsva unobata munhu wese anopinda munyika achibva kune imwe nyika, munhu uyu ava kuchengetedzwa kwemazuva masere achiongororwa kana aine hutachiona hwe coronavirus, uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vakaudza vatori venhau kuti Zimbabwe iri kushandisa zvikoro sema quarantine centers, sezvo zvine nzvimbo dzakafaranuka kuti vanhu vange vachigara.

Asi vanhu vari kugara munzvimbo idzi vakaudza Studio7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro zvavari kugariswa, izvo vanoti zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi yekubatwa nezvirwere.

Nyanzvi mutsika nemagariro evanhu uye vachidzidzisa mutemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaTafadzwa Matambo, vanoti kushupika kuri kuita vana veZimbabwe mudzimwe nyika zvinhu zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Zvichakadaro, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zviri kuenderera mberi zvichibatsira avo vakatarisana nenzara mudzimba dzavo sezvo Botswana isiri kubatsira nechikafu vanhu vanobva kune dzimwe nyika.

Muzvinabhizinesi ane mukurumbira mukugadzira motokari mudhorobha reFrancistown, VaLoveson Manase, vaudza Studio7 kuti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.

Kuvharwa kweBotswana, uko kuri kutarisirwa kepera mumasvondo maviri ari kutevera, kuri kuita kuti hungwandangwanda hwezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika iyi zviziye nenzara sezvo zvichirarama nechamuka inyama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG