Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakapotera kuBotswana Zvinosiyiwa Zvakandwa paPlumtree


Dukwi Refugees
Dukwi Refugees

Vanhu makumi mashanu nevatatu kusanganisira vana vadiki makumi maviri, avo vanga vari muhupoteri muBotswana, vasara vari pamhene mushure mekukandwa nezuro manheru nehurumende yeBotswana pamugano weZimbabwe neBotswana paPlumtree.

Izvi zvinotevera kuitwa musengabere kwakaita vaimbove muhupoteri ava pamuzinda weDukwi Refugee Camp nevebazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu muBotswana.

Vachitaura neStudio7, mumwe weavo vakaitwa musengabere nezuro manheru pamwe nevamwe vavo vaimbowe muhupoteri ava, VaMoses Munyoro, vanoti vakasimuka kuBotswana nenzara ndokurara nayo pabhodha rePlumtree vasina kana chekufuga.

Mumwe wevaimbowe muhupoteri ava, VaNqobizitha Ndlovu, vaudza Studio7 parunhare kuti masoja nemapurisa enyika iyi, ayo akanga akapakatira zvombo zvehondo, akafumirirakuburitsa vanhu mudzimba dzavo ndokuvamanikidzwa kupinda mumarori.

Mumwe wevanhu ava, Muzvare Primrose Ndaba, vanoti ruzhinji rwavo rwuri kuchema zvikuru sezvo vasina pekutangira mushure mekugara pamuzinda weDukwi Refugee Camp kwemakore gumi nemaviri vasingashandi.

Muzvare Ndaba vaenderera mberi vachiti sangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees kana kuti UNHCR muchidimbu rakaramba kuvapa kana chii zvacho nokuda kwekuti vanga vasina kunyoresa mazita avo kuti vadzoserwe kumusha sevamwe vakadzoserwa mushure mekunge vanyoresa.

Vanoti havazivi kuti sei hurumende yeBotswana nesangano reUNHCR risinganzwiri tsitsi vana vakabviswa muzvikoro zvavanga vachidzidza muBotswana nokuti zvichavaomera kuti vaendese vana ava kuchikoro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reUNHCR panyaya iyi .

Asi gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kweBotswana, VaKagiso Mmusi, vaudza Studio7 kuti havana ruzivo nenyaya yekuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zviri muhupoteri zvakaitwa musengabere.

Muzinda weZimbabwe muBotswana unoti hauna zvaunoziva nezvevapoteri vari kunzi vasiiwa vari paPlumtree.

Mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana, vanoti zvaitwa izvi zvinotyora kodzero dzevapoteri.

Vanhu vakawanda vanga vari paDukwe Refugee Camp vanoti vatsigiri vebato guru rinopikisa reMDC, avo vakatiza mhirizhonga yakaitika muna2008 apo nyika yakanga yakatarisana nedzokororo yesarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG