Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vapoteri muBotswana Voramba Kudzoswa kuZimbabwe


Dukwi Refugee Camp - Botswana
Dukwi Refugee Camp - Botswana

Hurumende yeBotswana inoti ichateerera zvichemo zvezvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri muhupoteri munyika iyi zvisiri kuda kudzokera kumusha pasi pechirongwa che voluntary repatriation sezvo nyika iyi ichiti inoremekedza mitemo yesangano repasi rose rinoona nezvekuchengetwa kwevapoteri.

Vanhu vakawanda vari muhupoteri pa Dukwi Refugee Camp muBotswana vanoti havasi kuda kuti vadzokere kuZimbabwe sezvo vari kutyira hupenyu hwavo kana vadzokera kuZimbabwe.

Vapoteri ava vanoti vatsigiri veMDC uye vakatiza mhirizhonga yakaita muna 2008 iyo yakasiya zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC vakuvadzwa zvakapisisa, vamwe vakaurayiwa, vamwe vakaputsirwa misha yavo pamwe nekutorerwa zvipfuyo zvavo.

Mutauriri wevapoteri vari pamuzinda uyu, VaBhekimpilo Weza, vaudza Studio7 parunhare kuti vatsigiri vebato reMDC vari muhupoteri vanotya kudzokera kumusha sezvo vanhu vachiri kushungurudzwa nehurumende yeZanu PF.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe icho chiri muhupoteri pamuzinda uyu, VaSamson Ndebele, vanoti zvinonetsa kudzokera kumusha nokuti kunetsana kwaiva pakati pavo nevavakidzani vavo veZanu PF hakusati kwapera.

Vachitaura neStudio7 parunhare, mukuru anoona nezvekuchengetwa kwevapoteri muBotswana, Amai Thobo Letlhage, vati vanhu vasina kunyoresa kuti vadzoserwe kumusha vachapihwa mukana wekuti vaudze hurumendenhunha dzavo.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevapoteri uye vachidzidzisa mitemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaMorris Manyengvana, vanoti danho ratorwa neBotswana rinoratidza kuti hurumende iyi kuvedzera gwara rinotarisirwa nesangano reUnited Nations.

Pasi pechibvumirano che 1951 Refugee Convention, nyika dziri mu United Nations dzinosungirwa kusamanikidza vapoteri kudzokera kunyika dzavo kana vachiratidza kuti vanotyira hupenyu hwavo.

Pari zvino, paDukwi pane vapoteri mazana manomwe nemumwe chete zvichitevera kudzokera kumusha gore rapera kwakaitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zana nemakumi matatu nezvishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG