Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatungamiri veMapato Vanotadza Kupinda Mumusangano Wakadaidzirwa neMachechi


Father Chiromba

Vatungamiri vakawanda vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika vatadza kuenda kumusangano wange wakarongwa nevedzisvondo wekuti vatore chitsidzo chekuvimbisa runyararo panguva yesarudzo uyewo kana vachinge vave kutonga.

Vasina kuuya vanosanganisira mutungamiriri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF,VaEmmerson Mnangagwa, Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thozozani Khupe, nevamwe.

Mutungamiri wemachechi ari pasi peEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Dr Shingi Munyeza, vati havana kufara kuti vazhinji havana kuuya pachiitiko change chakakosha kudai, chekukuridzira vatungamiriri ava kuti vakoshese runyararo panguya ino yesarudzo uye kana sarudzo dzichinge dzapera.

Vatiwo musangano wavo wange uine chinangwa chekunzwa kuti chii chichaitwa nevatungamiriri ava kana vachinge vasarudzwa pamwe nekuvaudza mutungamiri wavanotarisira.

VaMunyeza vati kunyange hazvo paine vanhu vakawanda pasarudzo yemutungamiriri wenyika, havasi kufara nevamwe vacho.

Munyori weZimbabwe Catholic Bishops Conference, Baba Frederick Chiromba, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwanaVaChamisa vatadza kuuya nezvikonzero zvinonzwisisika.

Asi vamwe vevari kukwikwidza sarudzo, VaDivine Muhambi Hove, varatidza kusafara nekuitwa kwevaviri ava vachiti zvinoratidza kuti havana chido neveruzhinji.

Vati kunyange hazvo vasingatarisiri kukunda musarudzo, vanoda kurudzira veruzhinji kuti vasarudze vatungamiri vanokoshesa zvido zvavo kwete vatungamiriri vanovarangarira chete panguva yesarudzo.

VaHove, avo vanotungamirri bato reNational Alliance of Patriotic and Democratic Republicans, vati vakapinda musarudzo kuitira kuti vawane mukana wekutaura semumwe ari kukwikwidza sezvavaita.

Vayambira veruzhinji zvikurusei varombo kuti vasiyane nekuvhotera vapfumi vanovapa mafufu chete panguva yesarudzo.

VaMunyeza vakurudzirawo veruzhinji kuti vavhure maziso pasarudzo uye kuti vasarudze vatungamiri vanokwanisa kuvatungamira kwete matsotsi, makororo kana mhondi.

Vamwe vapinda musangano wanhasi, ndiAmai Violet Mariyacha veUnited Democracy Movement, Doctor Daniel Shumba veUnited Democratic Alliance, VaNoah Manyika veBuild Zimbabwe Alliance, Doctor Blessing Kasiyamhuru veZimbabwe Partnership for Properity, VaElton Mangoma veCoalition of Democracts nevamwe.

Musangano wanhasi wange wakarongwa nesangano resvondo yeRoma rinoona nezverunyaro nekugara zvakanaka kwevanhu reSilveira House.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG