Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanorwira Kodzero Vanoti Havaregereri Zvakaipa Zvakaitwa naVaMugabe


VaCharles Mutama
VaCharles Mutama

Kunyange hazvo vanhu vakawanda vari kurumbidza mabasa akaitwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiri mupenyu, kune vamwe vanoti VaMugabe vaive mutungamiri ane moyo wakaipa.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Diaspora for Democracy, VaCharles Mutama, vanoti vanorwadzikana zvikuru nekushungurudzwa kwavakaitwa nehurumende yaVaMugabe.

VaMutama, avo vanove zvakare sachigaro weMDC mumatunhu madiki eDistrict of Columbia, Maryland neVirginia muAmerica, vanoti vakatochwa nehurumende yaVaMugabe muna 2003 zvokuti havafi vakaregerera VaMugabe kunyange hazvo vafa.

VaMutama vanoti dai vakasangana naVaMugabe vachiri vapenyu, vaivabvunza kuti seyi vairegera vanhu vachishungurudzwa nemauto, mapurisa pamwe nevasori vehurumende yavo.

VaMutama vanoti raiva basa raVaMugabe, semutungamiri wenyika, kuona kuti kodzero dzemunhu wese dzachengetedzwa, kwete kuita rusarura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG