Accessibility links

Breaking News

O. J. Simpson Anobvumidzwa Kubuda Mujeri Muna Gumiguru


OJ Simpson Parole
OJ Simpson Parole

Bhodhi remu Las Vegas rinopa vasungwa mukana wekubuda mujeri vasati vapedza kupika makore avo ose, Parole Board, rapa mvumo mutambi, O. J. Simpson, yekubuda mujeri mushure mekupika makore mapfumbamwe chete pamakore makumi matatu nematatu aakanga atongerwa.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwakaitwa Simpson aine mhosva yekupamba pamwe nekuba zvechisimba aine pfuti muna 2007.

"Ndinotenda kwamuri," adaro Simpson achiratidza kusununguka mushure mekunge bhodhi rapa pfungwa dzaro.

Simpson, uye ave nemakore makumi manomwe, anyemwerera, ndokusimudza ruoko rwake achibva ati "ndichakufonera" kumunhu asina kuonekwa pamufananidzo.

Nyaya yaSimpson yanga ichiburitswa paterevhizheni.

Bhodhi rapa pfungwa dzaro pasina nguva yakareba rapedza kunzwa Simpson achitaura.

"Ndine hurombo kuti zvinhu zvakaitika nenzira iyi," adaro Simpson achiudza nhengo dzebhodhi ranga richinzwa nyaya yake.

Simpson ati akapika nguva yake mujeri, uye akaedza kubatsira vanhu vose. Asi ati ane hurumbo kuti zvakaitika zvakaitika, uye ane hurombo kuvanhu vemuNevada.

Simpson, uyo akawanikwa asina mhosva panyaya yaaipomerwa kumakore ekuma 1990s yekuuraya mukadzi wake, Nicole Brown Simpson pamwe neshamwari yemudzimai wake, Ron Goldman, ari kuburitswa mujeri nepamusana pekuzvibata kwaakaita zvichitevera kuwanikwa nedare aine mhosva muna 2008 dzaakapara muNevada muna 2007.

Simpson ari kutarisirwa kubuda mujeri musi wa Gumiguru 1, 2017.

Kana achinge aburitswa mujeri ari kutarisirwa kuenda kuFlorida uko aigara asati akandwa mujeri muna 2008.

Simpson anga achitsigirwa negweta rake, Va Malcolm LaVergne, shamwari, VaTom Scotto, hanzvadzi yake, Shirley Baker, pamwe nemwana wake, Arnelle Simpson, uyo apihwawo mukana wekutaura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG