Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 25, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 25, 2019.

Sangano reZimbabwe Council of Churches rinoti vatori venhau vane basa guru rekubatanidza vanhu pamwe nekutanga nhaurirano dzinoendesa nyika mberi richiti pari zvino handizvo zviri kutika sezvo vamwe vavo vari kutora mativi emapato ari kukakavadzana munyika.

Vanhu vakawanda vari kusungirwa mhirizhonga yakaitika svondo rapera vari kunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Masoja maviri ari pabasa anomiswa mumatare edzimhsova achipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pasi rose anosanganisira Amnesty International okurudzira Zimbabwe kuti igadzirise nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvoratidzira pamuzinda weZimbabwe muWashington DC zvichiti hazvisi kufara nezviri kuitika kumusha.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kurangarira mabasa akaitwa naOliver Mtukudzi, uyo akaitwa gamba renyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG