Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Ndira 21, 2019


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau, Muvhuro, Ndira 21, 2019

Dare repamusoro rinoti kuvhara masaisai einternet kwakaitwa nehurumende hakusi pamutemo asi hurumende inoti yave kuda kuwandudza mutemo.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions uye mumiriri weHarare North mudare reparamende vari nhengo yeMDC VaRusty Markham vasungwa muHarare nhasi.

Vanhu vakawanda munyika vari mumapato anopikisa kana masangano akazvimirira vaenda muhupoteri kana kuti kunohwanda vachitya kushungurudzwa nemauto nemapurisa ayo ari kupambwa vanhu pakati pehusiku achivaita kafiramberi.

Sangano reZimbabwe Human Rights Commission roshora kushandiswa kwemauto mukudzivirira kuratidzira.

Hurumende inoparura chirongwa chekushandisa mabhazi eZUPCO kuyedza kumanikidza vemakombi kuderedza mutengo.

Vamwe vagari vekuMasvingo vochema chema mushure mekunge mitengo yedzimba yawedzerwa zvakapetwa kaviri vamwe vachiti vave kuda kubhadharwa nemari yekuAmerica.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakamanikidzwa kudzoka munyika nenyaya yekusagadzikana vanoti vanotsigira vakasarudzwa kutungamira DRC VaFelix Tshisekedi kunyangwe vakawanda vari kuti vakabirira sarudzo.

Nhasi muAmerica izuva rekurangarira mabasa akaitwa nemurwiri wekodzero dzevanhu Martin Luther King Junior.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munguva iyo vakawanda vari kuti vari kusungwa nekuitwa kafiramberi nemauto nemapurisa mudzimba dzavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG