Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 18, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 18, 2019.

Dare rotarisirwa kupa mutongo waro chero nguva panyaya yemurwiri wekodzero dzevanhu, Pastor Evan Mawarire, avo vakamiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti nhengo dzayo dziri kuramba dzichisungwa nemapurisa uye nhasi mumiriri we Mbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, vasungwa vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga.

Magweta ari kumirira vasungwa kuChinhoyi anoti vamwe vasungwa vavari kumirira vakasungwa zvisiri pamutemo sezvo vakatorwa mudzimba dzavo nemauto ndokuzoiswa mumaoko emapurisa.

Madandemutande eFacebook, WhatsApp, Twitter, oramba akavharwa panguva iyo veruzhinji vari kuda kuziva zviri kuitika munyika.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council raita musangano pamwe nehurumende pasi peNational Joint Negotiating Council asi hapana chabuda sezvo vashandi varamba mari dziri kupihwa nehurumende.

Vashandi vemumigodhi voitawo hurukuro nehurumende vachiisa zvichemo zvavo zvavanoda kuti zvigadziriswe

Veruzhinji votaura zviri kuitika munzvimbo dzavanogara, umo mapurisa nemasoja ari kuonekwa achifamba famba akapakatira zvombo pamwe nekurova vanhu.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munguva iyo mhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG