Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 17, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 17, 2019.

Murwiri wekodzero dzevanhu, Pastor Evan Mawarire, vanomiswa pamberi pematare edzimhosva zvichitevera kudungwa nemapurisa nezuro vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Studio7 inotevera zviri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kuBelarus panguva iyo muZimbabwe muri kubvira moto vanhu vachipfurwa nemasoja.

Vanorwira kodzero dzevanhu voshoropodza zvikuru VaMnangagwa nekuenda kunze kwenyika vachisiya vanhu vachisungwa pamwe nekuurayiwa mushure mekuratidzira kusafara kwavo nekukwira kwakaita mitengo yepeturu nedhiziri, nezvimwe zvinhu zvakakwirawo.

Vemabhizinesi vanoti vakarasikirwa nemari yakawanda zvikuru nekuratidzira kwakazoita mhirizhonga mukati, ukuwo sangano reConfederation of Zimbabwe Industries richiti maindasitiri akarasikirwa nemamazana matatu emamiriyoni emadhora mumazuva matatu ekuratidzira kwakadaidzirwa neZimbabwe Congress of Trade Unions.

Veruzhinji votaura zviri kuitika munzvimbo dzavanogara, umo mapurisa nemasoja ari kuonekwa achifamba famba akapakatira zvombo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munguva iyo mhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG