Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 11, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 11, 2019.

Peturu yonetsa zvinotyisa kuwana munyika vemagaraji vachitiwo vanoda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica.

Korera inovhiringa nhengo dzemapositori ekwa Johanne Marange kwaMurehwa

Britain inopa mabhasikoro nosvika zviuru zvitatu kuti ashandiswe nevana vechikoro vari kumaruwa uye vari kure nezvikoro

Danho rekutambira VaSavior Kasukuwere kuti vaite zvidzidzo zvavo zvemutemo vari pasi pematare edzimhosva yosimudza mutauro vakuru muhurumende vachiti VaKasukuwere semunhu ane mhosva yaakatarisana nayo mumatare, havafanirwe kuti vachiita attachment yavo kumatare aya, vamwe vachitiwo VaKasukuwere vane kodzero yekuti vawane ruzivo rwebasa ravari kudzidzira kunyange hazvo vaine mhosva yavakatarisana nayo.

Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvichitevera kumisa kwakaiata vana chiremba kuramwa mabasa.

Vateveri venhabvu muZimbabwe vari kutarisira mufaro mukuru apo chikwata chiri kumiririra nyika muCaf Champions League FC Platinum iri kupinda munhandare yeBabourfields Stadium mangwana ichitamba neOrlando Pirates yekuSouth Africa iyo yakambotora mukombe uyu muna 1995

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG