Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 10, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 10, 2019.

Sangano rinomirira vana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti ramisa kuramwa mabasa kwanga kuchiitwa navana chiremba zvichitevera nhaurirano dzaitwa pakati pesangano iri nevana chiremba.

Vanhu vaswera vachitambura muzvipatara zvehurumende nhasi sezvo manga musina vana chiremba zvisineyi kuti vana chiremba ava vanonzi vamisa nhasi kuramwa kwavanga vachiita mabasa avo.

Hurumende inotadza kuwirirana nevashandi vayo vanosanganisira varairidzi panyaya yemihoro nezvimwe munhaurirano dzaitwa nhasi pasi peNational Joint Negotiating Council

Masangano evatori venhau oshora zvakadzama mapurisa ayo akarova mutori wenhau we 263Chat, Costa Nkomo, apo aive pabasa nezuro.

Sangano reWomen in Politics rozeya nemamwe masangano matambudziko akatarisana nenyika, uye kutsvaga nzira yekupedza matambudziko aya..

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanhukadzi munyaya dzakasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG